Kuungudza KwaJeremiya 1 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kutambudzika kweJerusaremu

1Haiwa, guta, rakanga rizere

navanhu, rinogara sei riri roga!

Iro, rakanga riri guru pakati

pamarudzi, rava sechirikadzi!

Iro, rakanga riri vamwoyo pakati

penyika, rovigira mutero.

2Rinochema zvikuru usiku,

misodzi yaro iri pamatama aro;

pakati pavadikanwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi,

shamwari dzaro dzose dzarinyengera,

dzashanduka vavengi varo.

3Judha aenda kuutapwa nokuda kwokutambudzika,

nokuda kwokubatiswa zvikuru;

vanogara pakati pamarudzi,

asi haavane zororo,

vose vaidzingana navo vakamuvata pakamanikana.

4Nzira dzeZioni dzinochema,

nokuti hakuna anouya kumutambo,

masuo aro ose akaparadzwa,

vapristi varo vanogomera,

mhandara dzaro dzinotambudzika,

iro romene rinovavirwa.

5Vadzivisi varo ndivo vava vakuru,

vavengi varo vanofara;

nokuti Jehovha akaritambudza

nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji;

vana varo vaduku vakaenda kuutapwa

pamberi pomudzivisi.

6Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZioni;

machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro,

akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.

7Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro,

Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza

kubva pamazuva akare;

panguva yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi,

kusina wakaribatsira,

vadzivisi vakariona,

vakaseka kuparadzwa kwaro.

8Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo,

naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka;

vose vairikudza, vorishora,

nokuti vakaona kushama kwaro,

zvirokwazvo, rakagomera,

rikadzokera shure.

9Tsvina yaro yakanga iri panguo yaro,

harina kurangarira kuguma kwaro;

naizvozvo rakanyura zvinoshamisa,

harina munyaradzi;

tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu,

nokuti muvengi wazvikudza.

10Mudzivisi atambanudzira ruoko

rwake kune zvose zvaro zvinofadza;

nokuti rakaona marudzi achipinda

panzvimbo yaro tsvene,

vamakanga marayira pamusoro pavo

kuti varege kupinda paungano yenyu.

11Vanhu varo vose vanogomera,

vanotsvaka zvokudya;

vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti

zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo;

tarirai, Jehovha, muone;

nokuti ndaitwa wakazvidzwa.

12Nhai, imi mose munopfuura,

hamuna hanya nazvo here?

Tarirai muone kana kuchema

kuripo kwakafanana nokuchema kwangu,

kwakauyiswa pamusoro pangu,

kwandakatambudzwa nako naJehovha

nezuva rokutsamwa kwake kukuru.

13Akatuma moto mumapfupa angu,

zvichibva kumusoro, akavakunda;

akadzikira tsoka dzangu mumbure,

akandidzosera shure;

akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.

14Joko rokudarika kwangu kuzhinji

rakasungwa noruoko rwake;

zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu,

zvandishaisa simba rangu;

Ishe akandiisa mumaoko

avasingagoni kudzivisa.

15Ishe akashaisa simba mhare

dzangu dzose dzakandipoteredza,

akakokera ungano yakatarwa

kuzondipwanyira majaya angu;

Ishe akatsika mukunda mhandara

yaJudha sapachisviniro.

16Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi,

maziso angu anoyerera misodzi,

nokuti munyaradzi,

aifanira kusimbisa mweya wangu,

ri kure neni;

vana vangu vasiyiwa,

nokuti muvengi akunda.

17Zioni rinotambanudza maoko aro,

hakuna angarinyaradza;

Jehovha akarayira pamusoro paJakobho,

kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake;

Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.

18Jehovha akarurama,

nokuti ndakamukira murayiro wake;

doteererai imi vanhu vose,

muone kuchema kwangu;

mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.

19Ndakadana vaindida,

asi vakandinyengera;

vapristi vangu navakuru vangu

vakaparara muguta,

panguva yavakanga vachizvitsvakira

zvokudya kusimbisa mweya yavo.

20Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi,

mwoyo wangu unotambudzika;

mwoyo wangu washanduka mukati mangu,

nokuti ndakakumukirai kwazvo;

kunze munondo unonditorera vana,

mumba makaita somuno rufu.

21Vakandinzwa ndichigomera,

hakuna anondinyaradza;

vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu,

vanofara kuti makazviita;

muchauyisa zuva ramakatara,

ipapo vachafanana neni.

22Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu;

muvaitire ivo sezvamakandiitira ini

nokuda kwokudarika kwangu kwose;

nokuti kugomera kwangu kuzhinji,

mwoyo wangu washaiwa simba.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help