Mapisarema 135 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Rwiyo rwokurumbidza Jehovha, iye oga Mwari wazvokwadi

1Hareruya!

Rumbidzai zita raJehovha;

Murumbidzei, imi varanda vaJehovha;

2Imi mumire mumba maJehovha,

Muvazhe dzeimba yaMwari wedu.

3Rumbidzai Jehovha; nokuti Jehovha akanaka;

Imbirai zita rake nziyo

dzokurumbidza; nokuti ndizvo zvinofadza.

4Nokuti Jehovha akazvisanangurira Jakobho,

NaIsiraeri kuti ave pfuma yake chaiyo.

5Nokuti ndinoziva kuti Jehovha mukuru,

Uye kuti Ishe wedu ari kumusoro kwavamwari vose.

6Zvose zvaakada kuita Jehovha akazviita,

Kudenga napasi, nomumakungwa

napakadzika pose.

7Anokwidza makore pamigumo yapasi;

Anoita mheni kuuyisa mvura;

Anobudisa mhepo panovigwa pfuma yake.

8Ndiye akaparadza matangwe eIjipiti,

Avanhu neezvipfuwo.

9Akatuma zviratidzo nezvishamiso

mukati mako, iwe Ijipiti,

Pamusoro paFarao napamusoro

pavaranda vake vose.

10Ndiye akaparadza ndudzi zhinji,

Nokuuraya madzimambo anesimba.

11Sihoni mambo wavaAmori,

NaOgi mambo weBhashani,

Noushe hwose hweKanani;

12Akapa nyika yavo ive nhaka,

Ive nhaka yaIsiraeri vanhu vake.

13Zita renyu, Jehovha, riripo nokusingaperi;

Munorangarirwa Jehovha, kusvikira

kumarudzi namarudzi.

14Nokuti Jehovha achatonga vanhu vake,

Nokuzvidemba pamusoro pavaranda vake.

15Zvifananidzo zvavahedheni isirivha nendarama,

Mubato wamaoko avanhu.

16Zvinemiromo, asi hazvitauri;

Nameso zvinawo, asi hazvioni;

17Zvinenzeve, asi hazvinzwi;

Hakuna kufema pamiromo yazvo.

18Vanozviita vachafanana nazvo;

Zvirokwazvo, navose vanovimba nazvo.

19Imi veimba yaIsiraeri, rumbidzai Jehovha;

Imi veimba yaAroni, rumbidzai Jehovha;

20Imi veimba yaRevhi, rumbidzai Jehovha;

Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.

21Jehovha ngaarumbidzwe paZioni,

Iye agere Jerusaremu.

Hareruya!

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help