Mapisarema 54 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anonyengetera kuti arwirwe pavavengi vakeKumutungamiriri wokuimba; nemitengeranwa. Rwiyo rweMashiri rwaDhavhidhi, panguva yakasvika vaZifi kuna Sauro, vakati, “Dhavhidhi haazinovanda kwatiri here?”

1Ndirwirei Mwari, nezita renyu,

Nditongerei nesimba renyu.

2Inzwai munyengetero wangu, Mwari;

Rerekerai nzeve yenyu munzwe

mashoko omuromo wangu.

3Nokuti vatorwa vakandimukira,

Vamanikidzi vakatsvaka mweya wangu.

Havana kuisa Mwari pamberi pavo.

4Tarirai, Mwari ndiye mubatsiri wangu.

Ishe ari pakati pavanotsigira mweya wangu.

5Achatsiva zvakaipa kuvavengi vangu;

Muvaparadze nokutendeka kwenyu.

6Ndichakubayirai nechipiriso chokungopa nokuzvidira;

Ndichavonga zita renyu, Jehovha, nokuti rakanaka.

7Nokuti akandirwira pakutambudzika kwose;

Ziso rangu rakaona kukundwa kwavavengi vangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help