Hosea 9 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Regai kufara, imi Isiraeri, muchifarisisa samarudzi avanhu; nokuti makapata, muchisiya Mwari wenyu; makada mubayiro wokufeva pamapuriro ose ezviyo.

2Buriro nechisviniro chewaini hazvingavagutsi, waini ichavanyengera.

3Havangagari munyika yaJehovha; asi Efuremu achadzokera Ijipiti, vachadya zvokudya zvine tsvina paAsiria.

4Havangadiriri Jehovha waini, zvibayiro zvavo hazvingamufadzi; zvibayiro zvavo zvichaita kwavari sezvokudya zvavanochema; vose, vanozvidya, vachasvibiswa, nokuti zvokudya zvavo ndezvavo zvoga, hazvingasviki muimba yaJehovha.

5Muchabateiko nezuva reungano dzakatarwa, nezuva remitambo yaJehovha?

6Nokuti tarirai, vakabva nokuda kwokuparadzwa, asi vaIjipiti vachavaunganidza, veMemifisi vachavaviga; rukato ruchavatorera zvinhu zvavo zvesirivha zvinofadza; minzwa ichava mumatende avo.

7“Mazuva okurohwa asvika, mazuva okutsiva asvika; Isiraeri vachazviziva; muporofita ibenzi, munhu anomweya anopenga, nemhaka yokuwanda kwezvakaipa zvenyu, uye nokuti ruvengo rukuru.

8Efuremu mushori kuna Mwari wangu; kana ari muporofita, rugombe rwomuteyi weshiri ruri munzira dzake dzose, noruvengo muimba yaMwari wake.

9“Vakazvishatisa zvikuru kwazvo, sapamazuva eGibhea; acharangarira zvakaipa zvavo, achavarova pamusoro pezvivi zvavo.

10“Ndakawana Isiraeri vakaita samadzambiringa murenje; ndakaona madzibaba enyu vakaita sezvibereko zvakatanga kuibva pamuonde panguva yawo yokubereka yokutanga; asi vakasvika paBhaaripeori, vakazviisa kunezvinonyadzisa, vakaitwa zvinonyangadza vachifanana nezvaidikanwa navo.

11“Kana vari Efuremu, kukudzwa kwavo kuchabhururuka seshiri; kubereka hakungavipo, kana kukurirwa, kana kunaka pamuviri.

12Kunyange vakarera vana vavo, ndichavatorera ivo, kusvikira kusisina munhu; zvirokwazvo, vachava nenhamowo, kana ini ndavasiya.”

13Sezvandakatsaura Tire, Efuremu vakasimwa pakanaka; asi Efuremu vachabudisira muurayi vana vavo.

14Chivapai, Jehovha muchavapeiko? Chivapai zvizvaro zvinoshaya namazamu asina mukaka.

15“Zvakaipa zvavo zvose zviri paGirigari, nokuti ndipo pandakavavenga; nemhaka yezvakaipa zvavanoita ndichavadzinga paimba yangu, handichavadi; machinda avo ose akandimukira.

16Efuremu varohwa, mudzi wavo waoma, havangazobereki zvibereko; zvirokwazvo, kunyange vakabereka, ndichavauraya vadikanwa vakaberekwa nezvizvaro zvavo.”

17Mwari wangu achavarasha, nokuti havana kumunzwa; vachava vadzungairi pakati pamarudzi avanhu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help