1Ndichaimba ndichireva ngoni nokururama;
Ndimi Jehovha wandichaimbira
nziyo dzokurumbidza.
2Ndichaita zvose nokugwara panzira yakarurama;
Haiwa, muchauya kwandiri riniko?
Ndichafamba mumba mangu
nomwoyo wakarurama.
3Handingavavariri chinhu chakaipa;
Ndinovenga zvinoitwa navanotsauka;
Hazvingandinamatiri.
4Mwoyo wakatsauka ngaubve kwandiri;
Handidi kuziva zvakaipa.
5Anoitira vokwake makuhwa, ndichamuparadza;
Anotarira namanyawi, nounomwoyo unozvikudza,
handingavi nehanya naye.
6Meso angu achatarira vakatendeka
panyika, kuti vagare neni;
Munhu anofamba nenzira yakarurama,
ndiye angava mushumiri wangu.
7Anonyengera haangagari mumba mangu;
Anoreva nhema haangarambiri pamberi pangu.
8Mangwanani ose ndichaparadza vakaipa vose venyika;
Kuti ndipedze vose vanoita zvakaipa
paguta raJehovha.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.