Mapisarema 92 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Rwiyo rwokurumbidza JehovhaPisarema, rwiyo rweSabata.

1Zvakanaka kuvonga Jehovha,

Nokuimbira zita renyu

nziyo dzokurumbidza, imi Wokumusorosoro;

2Kuparidza unyoro hwenyu mangwanani,

Nokutendeka kwenyu usiku hwose,

3Nechinoridzwa chine ungiso gumi, nomutengeranwa;

Nezwi rakanaka pambira.

4Nokuti imi, Jehovha, makandifadza nezvamakaita;

Ndichafara kwazvo namabasa amaoko enyu.

5Mabasa enyu akakura seiko, Jehovha!

Mifungo yenyu yakadzika kwazvo.

6Asina njere haazvizivi;

Benzi harinzwisisi izvozvi,

7Kana vakaipa vachimera souswa,

Uye kana vaiti vose vezvakaipa vachikura;

Zvinoitwa kuti vaparadzwe nokusingaperi.

8Asi imi Jehovha, muri kumusoro nokusingaperi.

9Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu,

Nokuti tarirai, Jehovha, vavengi venyu vachaparara;

Vaiti vose vezvakaipa vachaparadzirwa.

10Asi runyanga rwangu makarusimudza sorunyanga rwenyati;

Ndakazodzwa namafuta matsva.

11Ziso rangu rakaona zvakaitirwa vavengi vangu,

Nzeve dzangu dzakanzwa zvakaitirwa

vaiti vezvakaipa, vakandimukira.

12Akarurama achamera somuchindwe;

Achakura somusidhari paRebhanoni.

13Vakasimwa mumba maJehovha

Vachakura muvazhe dzaMwari wedu.

14Vacharamba vachibereka zvibereko

pakukwegura kwavo;

Vachava vanyoro navatsva;

15Kuti vaparidze kuti Jehovha akarurama;

Ndiye dombo rangu,

hapana chinhu chisina kururama maari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help