Mapisarema 10 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Akaipa anozvikudza pamberi paMwari, asi Jehovha ndiye murwiri

1Munomirireiko kure, Jehovha?

Munozvivanzireiko panguva dzokutambudzika?

2Pakuzvikudza kwake akaipa

anotambudza murombo zvikuru;

Ngavabatwe namano avakafunga.

3Nokuti wakaipa anozvirumbidza pamusoro

pezvinoda mwoyo wake,

Anoruchiva anoramba Jehovha nokumuzvidza.

4Nokuzvikudza kwechiso chake, wakaipa anoti,

“Haangabvunzi.”

Ndangariro dzake dzose dzinoti,

“Hakuna Mwari.”

5Nzira dzake dzakasimba nguva dzose;

Zvamunotonga imi zviri kure kumusoro, haazvioni;

Kana vari vadzivisi vake vose, anovashora.

6Anoti mumwoyo make,

“Handingazununguswi;

Handingavi panhamo kusvikira kumarudzi angu ose.”

7Muromo wake uzere nokutuka

nokunyengera nokumanikidza;

Zvakashata nezvakaipa zviri pasi porurimi rwake.

8Anogara panzvimbo dzokuvanda dzemisha;

Pakavanda ndipo paanouraya asina mhosva;

Meso ake anovandira asina wokumubatsira.

9Anovandira pakavanda seshumba panzvimbo yayo;

Anovanda kuti abate murombo;

Anobata murombo, kana achimukakatira

mumumbure wake.

10Anonyangira, anokotama pasi,

Vasina mubatsiri vanowiswa nesimba rake.

11Anoti mumwoyo make,

“Mwari akanganwa;

Anovanza chiso chake, haangatongozvioni.”

12Simukai Jehovha; Mwari simudzai

ruoko rwenyu;

Regai kukanganwa varombo.

13Akaipa anozvidzireiko Mwari,

Achiti mumwoyo wake,

“Hangabvunzi?”

14Mazviona henyu; nokuti

munoona kutambudzika nokuchema,

kuti muzvibate muruoko rwenyu;

asinamubatsiri anozviisa kwamuri;

Makava mubatsiri wenherera.

15Vhunai ruoko rwowakaipa.

Kana ari munhu akashata, nzverai

zvakaipa zvake, kusvikira musingazozviwani.

16Jehovha ndiye Mambo nokusingaperi-peri;

Vahedheni vakaparadzwa munyika yake.

17Jehovha, makanzwa zvinodikanwa navanyoro;

Muchasimbisa mwoyo yavo,

mucharerekera nzeve yenyu;

18Kuti mutongere nherera neanotambudzwa,

Kuti munhu wapanyika arege kuramba achivhundusa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help