Mapisarema 77 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kusimbiswa kunobva pakurangarira mabasa akare aMwariKumutungamiriri wokuimba; nomutoo waJedhutuni. Pisarema raAsafi.

1Ndichadana kuna Mwari nezwi rangu;

kuna iye Mwari nezwi rangu,

acharerekera nzeve yake kwandiri.

2Pazuva rokutambudzika kwangu

ndakatsvaka Ishe;

Ruoko rwangu rwakanga rwakatambanudzwa

usiku, ndisingaregi;

Mweya wangu wakaramba kunyaradzwa.

3Ndinorangarira Mwari, ndokushaiwa mufaro;

Ndinofungisisa, mweya wangu ndokuziya.

4Hamutenderi meso angu kutsinzina;

Ndinotambudzika, handigoni kutaura.

5Ndakarangarira mazuva ekare,

Makore enguva dzakare-kare.

6Ndinozviyeudzira kuimba kwangu

pakati pousiku;

Ndinotaurirana nomwoyo wangu;

Mweya wangu wakanzvera kwazvo.

7“Ko Ishe angarasha nokusingaperi?

Haachazonzwiri ngoni here?

8Ko tsitsi dzake dzaenda chose nokusingaperi?

Chipikirwa chake chakakona nokusingaperi here?

9Ko Mwari akanganwa kuva nenyasha?

Apfigira tsitsi dzake nyoro

pakutsamwa kwake here?”

10Ipapo ndakati, “Ndihwo utera hwangu,

Asi ndicharangarira makore oruoko

rworudyi rwoWokumusorosoro.”

11Ndichareva zvakaitwa naJehovha;

Nokuti ndicharangarira zvishamiso zvenyu zvakare.

12Ndichafungisawo basa renyu rose,

Nokurangarira zvamakaita.

13Nzira yenyu, Mwari, iri

panzvimbo tsvene;

Ndianiko mwari mukuru, akafanana naiye Mwari?

14Ndimi Mwari anoita zvishamiso;

Makaratidza simba renyu pakati pavanhu.

15Makadzikinura vanhu venyu

noruoko rwenyu,

Ivo vanakomana vaJakobho naJosefa.

16Mvura zhinji yakakuonai, Mwari;

Mvura zhinji yakakuonai, ikatya;

Pakadzika pakabvunda.

17Makore akadurura mvura;

Denga rose rakabudisa izwi;

Miseve yenyu yakafamba-famba kwose.

18Izwi rokutinhira kwenyu rakanga

riri muchamupupuri;

Mheni dzakavhenekera nyika;

Pasi pakabvunda nokuzununguka.

19Kufamba kwenyu kwakanga kuri mugungwa,

Nenzira dzenyu mumvura zhinji-zhinji,

Makwara enyu akanga asingazikanwi.

20Makafambisa vanhu venyu seboka ramakwai,

Noruoko rwaMosesi norwaAmoni.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help