Mapisarema 59 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anonyengetera kuti arwirwe pavavengi vakeKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAritasheti. Pisarema raDhavhidhi; rwiyo rweMikitami; panguva Sauro yaakatuma vanhu, vakarindira imba yake kuti vamuuraye.

1Ndirwirei pavavengi vangu,

Mwari wangu;

Ndiisei pakakwirira kure navanondimukira.

2Ndirwirei pavaiti vezvakaipa,

Ndiponesei pavanhu veropa.

3Nokuti tarirai, vanovandira mweya wangu;

Vane simba vakaungana kuzorwa neni;

Hakuzi nokuda kwokudarika kwangu

kana kwezvivi zvangu, Jehovha.

4Vanomhanya nokuzvigadzira, ini ndisina mhosva hangu;

Mukai mundibatsire, muone.

5Iyemi Jehovha, Mwari wehondo,

Mwari waIsiraeri,

Mukai mushanyire vahedheni vose;

Musanzwira tsitsi mudariki upi

noupi akaipa.

6Vanodzoka madekwana, vanoudza sembwa,

Vanopota neguta.

7Tarirai, vanodzvova nemiromo yavo;

Minondo iri pamiromo yavo;

Nokuti vanoti, “Ndianiko anganzwa?”

8Asi imi Jehovha muchavaseka;

Muchadadira vahedheni vose.

9Imi simba rangu, ndichakumirirai;

Nokuti Mwari ndiye nhare yangu yakakwirira.

10Mwari wangu achandichingura netsitsi dzake;

Mwari achandionesa kukundwa kwavavengi vangu.

11Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa;

Muvaparadzire nesimba renyu,

muvawisire pasi,

Ishe nhoo yedu.

12Nokuda kwechivi chomuromo wavo,

namashoko emiromo yavo,

Ngavabatwe pakuzvikudza kwavo,

Uye nokuda kwokutuka nenhema dzavanotaura.

13Vapedzei nehasha, vapedzei, varege kuzovapo;

Ngavazive kuti Mwari anobata

ushe pakati paJakobho,

Kusvikira kumigumo yenyika.

14Panguva yamadekwana ngavadzoke,

ngavaudze sembwa,

Ngavapote-pote neguta.

15Vachadzungaira vachitsvaka zvokudya,

Vachagara usiku hwose kana vasingaguti.

16Asi ini ndichaimba ndichireva simba renyu;

Zvirokwazvo ndicharumbidza tsitsi

dzenyu mangwanani;

Nokuti makanga muri nhare yangu yakakwirira,

Noutiziro hwangu pazuva

rokutambudzika kwangu.

17Ndichakuimbirai nziyo dzokurumbidza,

imi simba rangu;

Nokuti Mwari ndiye nhare yangu

yakakwirira, iye Mwari anondinzwira tsitsi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help