1Jehovha anobata ushe; vanhu ngavabvunde;
Iye agere pakati pamakerubhi;
nyika ngaizununguswe.
2Jehovha mukuru paZioni;
Ari kumusoro-soro kwavanhu vose.
3Ngavarumbidze zita renyu guru rinotyisa;
Ndiye Mutsvene.
4Simba ramambo rinodawo kururamisa;
Imi munosimbisa kururama,
Munotonga muchiruramisa pakati paJakobho.
5Kudzai Jehovha Mwari wedu,
Munamate pachitsiko chetsoka dzake;
Ndiye Mutsvene.
6Mosesi naAroni pakati pavapristi vake,
NaSamueri pakati pavanodana zita rake;
Vakadana kuna Jehovha, iye akavapindura.
7Akataura navo ari mushongwe yegore;
Vakachengeta zvipupuriro zvake
nomutemo waakavapa.
8Makavapindura, Jehovha Mwari wedu;
Maiva Mwari aivakanganwira,
Kunyange makatsiva zvavaiita.
9Kudzai Jehovha Mwari wedu,
Namatai pagomo rake dzvene;
Nokuti Jehovha Mwari wedu ndiye Mutsvene.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.