1Chirevo pamusoro paMoabhi. Nokuti usiku Ari reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa; nokuti usiku Kiri reMoabhi rakaitwa dongo, rakaparadzwa.
2Vakwira Bhayiti, neDhibhoni, kumatunhu akakwirira, kundochemapo; vaMoabhi vanochema pamusoro peNebho napaMedhebha; misoro yavo yose ine mhanza, ndebvu dzose dzakaveurwa.
3Panzira dzomumisha yavo vakazvisunga namakudza, pamusoro pedzimba dzavo, napamadare avo, mumwe nomumwe anowungudza achichema zvikuru.
4Heshibhoni rinodanidzira, neEreari; izwi ravo rinonzwika kusvikira paJahazi; saka varwi vaMoabhi vanodanidzira zvikuru; mweya wavo unodedera mukati mavo.
5Mwoyo wangu unodanidzira pamusoro paMoabhi; vakuru vavo vanotizira Zoari, neEgiratisherishiya; nokuti vanokwira mukwidzwa waRuhiti vachichema; nokuti panzira inoenda Horonaimi vanochema nokuchema kwokuparadzwa.
6Nokuti mvura yeNimirimi ichaparadzwa; nokuti uswa hwawoma, bumhudza rapera, hapachina chinomera chitema.
7Saka zvizhinji zvavakawana, nezvavakachengeta, vachayambuka nazvo parukova rwemikonachando.
8Nokuti kuchema kwapotereka kunyika yose yaMoabhi; kuungudza kwake kusvikira paEgiraimi, nokuungudza kwake kusvikira paBheerierimi.
9Nokuti mvura yeDhimoni izere neropa; nokuti ndichawedzera kurova Dhimoni, ndichatuma shumba iparadze vakapukunyuka vaMoabhi, navakasara panyika.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.