Kuungudza KwaJeremiya 4 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kutambudzika kwavanhu nokuda kwezvivi

1Haiwa, ndarama yasviba sei!

Ndarama yakaisvo‐naka yashanduka sei!

Mabwe enzvimbo tsvene arashirwa

pamharadzano dzenzira dzomuguta.

2Vanakomana vanodikanwa veZioni

vakafanana nendarama yakaisvo‐naka,

haiwa vakanzi vakaita sezvirongo zvevhu sei,

iro basa romuumbi wehari!

3Kunyange namakava anobudisa mazamu,

achiyamwisa vana vawo;

mukunda wavanhu vangu

wava nehasha semhou murenje.

4Rurimi rwomwana unomwa runonamatira

mumukanwa womuromo wake nenyota;

vanana vanokumbira chingwa,

asi hakuna munhu anovamedurira.

5Avo vaisidya zvinozipa,

varaswa munzira dzomuguta;

vairerwa vakafuka micheka mitsvuku,

zvino votsivama pamaturunhuru.

6Nokuti zvakaipa zvomukunda wavanhu

vangu zvinopfuura zvivi zveSodhoma,

iro rakaparadzwa kamwe‐kamwe

kusina maoko akaribata.

7Machinda aro akanga akapfuura chando nokunaka,

akanga akachena kupfuura mukaka,

akanga akatsvuka pamuviri kupfuura makorari,

pakuonekwa akanga akaita sesafaya.

8Zviso zvavo zvasviba kupfuura mazimbe,

havazikanwi munzira dzomuguta;

ganda ravo rinonamatira mapfupa avo,

raoma, rafanana nedanda.

9Vakaurawa nomunondo vakaita nani

kuna vakaurawa nenzara;

nokuti ava vaonda,

vabayiwa nokushayiwa zvibereko zveminda.

10Maoko avakadzi vaiva nomwoyo munyoro

akabika vana vavo,

zvikava zvokudya zvavo pakuparadzwa

kwomukunda wavanhu vangu.

11Jehovha akaita zvaakanga achida nokutsamwa kwake,

akadurura hasha dzake huru;

akabatidza moto paZioni,

akapedza nheyo dzaro.

12Madzimambo enyika haana kutenda,

kunyange navose vagere panyika yose,

kuti mudzivisi nomuvengi vachapinda

pamasuo eJerusaremu.

13Zvakaitwa nokuda kwezvivi zvavaporofita varo,

nezvakaipa zvavapristi varo,

vakateura ropa ravakarurama mukati maro.

14Vanodzungaira samapofu munzira dzomuguta,

vakasvibiswa neropa,

naizvozvo vanhu havagoni kubata nguo dzavo.

15Vakadanidzira kwavari vachiti,

“Ibvai, makan’ora!

Ibvai, ibvai, regai kutibata!”

Panguva yokutiza nokudzungaira kwavo,

vanhu vakati pakati pamarudzi;

“Havangazogarizve pano vari vatorwa.”

16Kutsamwa kwaJehovha kwakavaparadzira;

haachavi nehanya navo;

havana kurangarira vapristi,

havana kukudza vakuru.

17Meso edu anongopera nazvino achitarira

rubatsiro rwedu pasina;

pakutarira kwedu takatarira

rudzi rusingagoni kutiponesa.

18Vanoronda makwara edu,

naizvozvo hatigoni kufamba munzira

dzomuguta redu;

kuguma kwedu kwava pedyo,

mazuva edu asvika,

nokuti kuguma kwedu kwasvika.

19Avo vakadzingana nesu,

vakamhanyisa kupfuura makondo okudenga;

vakadzingana nesu pamakomo,

vakatigarira murenje.

20Mweya wemhino dzedu,

iye muzodzwa waJehovha,

wakabatwa muhunza dzavo;

iye watakati,

“Pamumvuri wake ndipo patichararama

pakati pamarudzi.”

21Farisisa, uve nomufaro,

iwe mukunda weEdhomu, ugere panyika yeUzi;

mukombe uchasvika kwauriwo;

uchabatwa newaini ukazvifukura.

22Kurohwa kwezvakaipa zvako kwapera,

iwe mukunda weZioni;

haachazokutapisizve;

iye achakurova pamusoro pezvakaipa zvako,

iwe mukunda weEdhomu;

iye achafukura zvivi zvako.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help