Mapisarema 121 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jehovha ndiye muperekedzi parwendoRwiyo rworwendo.

1Ndichasimudzira meso angu kumakomo;

Kubatsirwa kwangu kuchabvepiko?

2Kubatsirwa kwangu kunobva kuna Jehovha,

Wakaita kudenga napasi.

3Haangatenderi rutsoka rwako kuti rutedzemuke;

Muchengeti wako haangakotsiri.

4Tarirai, muchengeti waIsiraeri

Haangakotsiri kana kuvata.

5Jehovha ndiye muchengeti wako;

Jehovha ndiye mumvuri wako

paruoko rwako rworudyi.

6Zuva haringakubayi masikati,

Nomwedzi usiku.

7Jehovha achakuchengeta pazvakaipa zvose;

Achachengeta mweya wako.

8Jehovha achakuchengeta pakubuda kwako

napakupinda kwako,

Kubva panguva ino kusvikira pakusingaperi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help