Jobho 10 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jobho haanzwisisi kutambudzika kwake, nokuti kare Mwari waimukomborera kwazvo

1Mwoyo wangu waneta noupenyu hwangu;

Handingazvidzori pakunyunyuta kwangu;

Ndichataura neshungu dzomwoyo wangu.

2Ndichati kuna Mwari, “Musandipa mhosva.”

Ndiratidzei kuti munorwa neni nemhaka yeiko?

3Zvinokufadzai here kumanikidza,

Nokuzvidza basa ramaoko enyu,

Muchivhenekera kurangana kwavakaipa here?

4Munameso enyama here,

Kana munoona somunhu here?

5Mazuva enyu akafanana namazuva omunhu here,

Kana makore enyu namakore omunhu here?

6Zvamunobvunza zvakaipa zvangu,

Nokunzvera zvivi zvangu,

7Kunyange muchiziva kuti handizi akaipa;

Uye kuti hakuna anogona kurwira paruoko rwenyu here?

8Maoko enyu akandiita nokundiumba,

Nhivi dzangu dzose;

kunyange zvakadaro moda kundiparadza.

9Rangarirai, ndizvo zvandinokumbira,

kuti makandiumba sevhu;

Zvino muchandidzosera kuguruva here?

10Hamuna kundidurura somukaka here,

Nokundikodza somukaka wakafa?

11Makandifadza nenganda nenyama,

Mukandisunganidza namapfupa namarunda.

12Makandipa upenyu netsitsi,

Hanya dzenyu dzakachengeta mweya wangu.

13Asi makavanza zvinhu izvi mumwoyo menyu;

Ndinoziva kuti chinhu ichi chaiva nemi kare.

14Kana ndikatadza munondicherekedza,

Hamudi kundikanganwira kudarika kwangu.

15Kana ndiri akaipa, ndine nhamo;

Kana ndiri akarurama, kunyange zvakadaro

handingasimudzi musoro wangu;

Zvandizere nokunyadzwa

Ndichangotarira kutambudzika kwangu.

16Kana ndikazvikudza, munondironda seshumba;

Munopamhazve kundishamisa nesimba renyu.

17Munowedzera zvapupu zvenyu kuzorwa neni,

Nokuwanza kutsamwa kwenyu pamusoro pangu;

Kushanduka nehondo zvineni.

18Makandibudisireiko pachizvaro chamai?

Ndingadai ndaifira hangumo, ndisati ndaonekwa

neziso romunhu.

19Ndaiita hangu sendisina kuvapo;

Ndaitakurirwa kuhwiro ndichibva pachizvaro chamai.

20Ko mazuva angu haazi mashoma here? Zvino gumai,

Ndiregei henyu, kuti ndizorore zvishoma,

21Ndisati ndaenda kwandisingazodzoki,

Kunyika yerima nomumvuri worufu;

22Iyo nyika yerima guru, rima chairo;

Nyika yomumvuri worufu, panokukanganiswa,

Ipapo chiedza chakafanana nerima.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help