1 Makoronike 14 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anoita sungano naHirami

1Zvino Hirami mambo weTiro akatuma nhume kuna Dhavhidhi, namatanda emisidhari, navavaki, navavezi, kuti vamuvakire imba.

2Dhavhidhi akaona kuti Jehovha akamusimbisa kuti ave mambo waIsiraeri; nokuti ushe hwake hwakanga hwakudzwa kwazvo nokuda kwavanhu vake Isiraeri.

3Dhavhidhi akazvitorerazve vamwe vakadzi paJerusaremu, Dhavhidhi akabereka vamwe vanakomana navanasikana.

4Zvino ndiwo mazita avana vaakanga anavo paJerusaremu: Shamua, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni;

5naIbhari, naErishua, naEripereti;

6naNoga, naNefegi, naJafia;

7naErishama, naBheriyadha, naErifereti.

8Zvino vaFirisitia vakati vanzwa kuti Dhavhidhi azodzwa kuti ave mambo wavaIsiraeri vose, vaFirisitia vose vakakwira kundotsvaka Dhavhidhi; Dhavhidhi akazvinzwa, akabuda kuzorwa navo.

9Zvino vaFirisitia vakanga vasvika, vakapararira pamupata weRefaimu.

10Dhavhidhi akabvunza Jehovha, akati, “Ndokwira kundorwa navaFirisitia here? Muchavaisa mumaoko angu here?” Jehovha akati kuna Dhavhidhi, “Kwira, nokuti ndichavaisa mumaoko ako.”

11Vakasvika paBhaariperazimi, Dhavhidhi akavaparadzapo; Dhavhidhi akati, “Mwari akapwanya vavengi vangu noruoko rwangu, sokupwanya kwemvura.” Naizvozvo vakatumidza nzvimbo iyo Bhaariperazimi.

12VaFirisitia vakasiya vamwari vavopo, Dhavhidhi akaraira, vakavapisa nomoto.

13VaFirisitia vakapararirazve pamupata uyo.

14Ipapo Dhavhidhi akabvunza Mwari zve; Mwari akati kwaari, “Usandovatevera; tsauka ubve kwavari, ugovavamba pakatarisana nemiti yemibharisami.

15Zvino kana uchinzwa kutinhira kwokufamba pamisoro yemiti yemibharisami, ipapo unofanira kundorwa; nokuti Mwari akutungamirira kundoparadza hondo yavaFirisitia.”

16Dhavhidhi akaita sezvakarairwa naMwari; vakaparadza hondo yavaFirisitia kubva paGibheoni kusvikira paGezeri.

17Mbiri yaDhavhidhi ikabudira kunyika dzose; Jehovha akavhundusa marudzi ose pamusoro pake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help