Mapisarema 6 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anochema zvivi zvakeKumutungamiriri wenziyo; nemitengeranwa, namanzwi avarume. Pisarema raDhavhidhi.

1Haiwa Jehovha, regai kundiraira

pakutsamwa kwenyu,

Musandirova nokusafara kwenyu kukuru.

2Ndinzwirei nyasha, Jehovha; nokuti ndaonda;

Ndiporesei, Jehovha; nokuti mapfupa angu anotambudzika.

3Mweya wangu unotambudzikawo zvikuru;

Asi imi Jehovha, muchanonoka kusvikira riniko?

4Dzokai Jehovha, murwire mweya wangu;

Ndiponesei nokuda kwounyoro hwenyu.

5Nokuti parufu hapana achakurangarirai;

Ndiani achakuvongai paSheori?

6Ndaneta nokugomba kwangu;

Usiku humwe nohumwe

ndinoshambirisa nhoo dzangu;

Ndinonyorodza mubhedha wangu nemisodzi yangu.

7Ziso rangu rapera nokuchema,

Rinosakara nokuda kwavadzivisi vangu.

8Ibvai kwandiri, imi vabati vose vezvakaipa;

Nokuti Jehovha akanzwa izwi rokuchema kwangu.

9Jehovha akanzwa kukumbira kwangu;

Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.

10Vavengi vangu vose vachanyadzwa

nokutambudzika zvikuru;

Vachadzoka, vachanyadzwa pakarepo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help