Jobho 42 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jobho anozvireurura zvivi zvake, anotenda Mwari

1Ipapo Jobho akapindura Jehovha, akati,

2“Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose,

Uye kuti hakuna chamunovavarira zvingadziviswa.

3Ndianiko uyu anodzikatira zano raMwari asine zivo?

Naizvozvo ndakataura zvandakanga ndisinganzwisisi,

Zvinhu zvakandishamisa kwazvo, zvandakanga ndisingazivi.

4Chidonzwai henyu, nditaure ini,

Ndichakubvunzai, imi mundidudzire.

5Ndakanga ndanzwa zvenyu nokunzwa kwenzeve;

Asi zvino ziso rangu rinokuonai,

6Saka ndinozvisema, nokuzvidemba

Muguruva namadota.”

Jobho anodzoserwa mufaro wake wose

7Zvino Jehovha akati ataura mashoko iwayo kuna Jobho, Jehovha akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakatsamwira kwazvo iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti imi hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaita muranda wangu Jobho.

8Naizvozvo zvino chitorai nzombe nomwe namakondobwe namanomwe, muende kumuranda wangu Jobho, muzvipisire chipiriso chinopiswa; zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti ndichamugamuchira iye, kuti ndirege kukuitirai zvakaenzana nohupenzi hwenyu; nokuti imi hamuna kutaura pamusoro pangu zakarurama, sezvakaita muranda wangu Jobho.”

9Zvino Erifazi muTemani, naBhiridhadhi muShuhi, naZofari muNaamati, vakandoita sezvakarairwa naJehovha; Jehovha akagamuchira Jobho.

10Jehovha akashandura kutapwa kwaJobho nguva yaakanyengeterera shamwari dzake; Jehovha akapa Jobho zvaakanga anazvo pakutanga kaviri.

11Ipapo vanun'una vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, navazikani vake vose vaimuziva kare vakauya kwaari, vakadya zvokudya mumba make; vakamudemba nokumunyaradza pamusoro pezvakaipa zvose zvakanga zvauyiswa naJehovha pamusoro pake; munhu mumwe nomumwe akamupawo chimari, nomumwe nomumwe chindori chendarama.

12Saizvozvo Jehovha akaropafadza kupedzisira kwaJobho kupfuura kutanga kwake; akanga ana makwai ane zviuru zvitanhatu, nenzombe dzingasungwa pamajoko dzine chiuru chimwe, namakadzi embongoro ane chiuru chimwe.

13Akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.

14Akatumidza wokutanga zita rinonzi Jemima, nowechipiri zita rinonzi Kezia, nowechitatu zita rinonzi Kerenihapuki.

15Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka pazviso zvavo vakapfuurawo vakunda vaJobho baba vavo vakapawo nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.

16Shure kwaizvozvo Jobho akazogara makore ane zana namakumi mana, akaona vanakomana vake, navanakomana vavanakomana vake, kusvikira pamarudzi mana.

17Zvino Jobho akazofa, akwegura, ava namazuva mazhinji.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help