Zvirevo 10 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Zvirevo pamusoro pezvinhu zvizhinji

1Zvirevo zvaSoromoni.

Mwanakomana, akachenjera,

anofadza baba;

Asi mwanakomana benzi anoshuwisa mai vake.

2Pfuma yakawanikwa nezvakaipa haibatsiri chinhu;

Asi kururama kunorwira parufu.

3Jehovha haangatenderi mweya wowakarurama kuti

unzwe nzara;

Asi kupanga kwavakaipa unokusundira kure.

4Anobata noruoko rusine hanya,

achava murombo;

Asi ruoko rweasina usimbe runopfumisa.

5Anounganidza muzhezha, ndiye

mwanakomana wakachenjera;

Asi anovata hope mukukohwa,

mwanakomana anonyadzisa.

6Mikomborero iri pamusoro wowakarurama;

Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.

7Kuyeukwa kwowakarurama kunovigira kuropafadzwa,

Asi zita rowakaipa richaora.

8Ane mwoyo wakachenjera, achagamuchira mirairo;

Asi ane miromo youpenzi achawisirwa pasi.

9Anofamba zvakarurama, anofamba zvakasimba;

Asi anominamisa nzira dzake, achazikanwa.

10Anochonya neziso rake, anouyisa madambudzo;

Asi ane miromo youpenzi, achawisirwa pasi.

11Muromo wowakarurama itsime roupenyu;

Asi muromo wowakaipa unovanza kumanikidza.

12Mbengo dzinomutsa kukakavara;

Asi rudo runofukidza kudarika kwose.

13Pamiromo yeane njere panowanikwa uchenjeri;

Asi shamhu yakafanira musana woanoshaiwa njere.

14Vakachenjera vanozvichengetera zivo;

Asi muromo webenzi uri pedyo nokuparadzwa.

15Pfuma yomupfumi ndiro guta rake rakasimba;

Zvinoparadza varombo ndihwo urombo hwavo.

16Zvaakabatira zvinoisa wakarurama kuupenyu;

Zvakawanikwa nowakaipa zvinoisa kuzvivi.

17Anoterera kurairirwa, ari panzira youpenyu;

Asi anoramba kurairwa, anotsausa vamwe.

18Anovanza kuvenga, ane miromo yenhema;

Ana makuhwa, ibenzi.

19Kudarika hakungakoni pamunhu ana

mashoko mazhinji;

Asi anodzora miromo yake, ano huchenjeri.

20Rurimi rwowakarurama rwakafanana

nesirivha yakasarurwa;

Mwoyo wowakaipa haubatsiri chinhu.

21Miromo yowakarurama inosimbisa vazhinji;

Asi mapenzi anofa nokushaiwa zivo.

22Kuropafadza kwaJehovha ndiko kunopfumisa;

Kutambura pabasa hakuwedzeri chinhu.

23Benzi rinoti kuita zvakaipa kutamba;

Ndizvo zvinoitawo uchenjeri kuno ane njere.

24Zvinotyiwa nowakaipa, ndizvo zvichamuwira;

Asi wakarurama achapiwa zvaanoda.

25Kana chamupupuri chapfuura, wakaipa haachipo;

Asi wakarurama ane nheyo dzisingaperi.

26Sezvinoita vhininga pameno, noutsi pameso,

Ndizvo zvakaita simbe kuna vanomutuma.

27Kutya Jehovha kunowedzera mazuva;

Asi makore owakaipa achatapudzwa.

28Tariro yavakarurama mufaro;

Asi kutarira kwavakaipa kuchaparadzwa.

29Nzira yaJehovha inhare kunowakarurama;

Asi ndiko kuparadzwa kuna vanoita zvakaipa.

30Wakarurama haangatongozununguswi nokusingaperi;

Asi vakaipa havangarambi vagere panyika.

31Muromo wowakarurama unobudisa uchenjeri;

Asi rurimi rune nhema ruchabviswa.

32Miromo yowakarurama inoziva zvinofadza;

Asi muromo wowakaipa unotaura zvine nhema.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help