Mapisarema 42 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Bhuku 2(Mapisarema 42—72)Chishuwo chomutapwa kushumira Jehovha patemberiKumutungamiriri wokuimba; rwiyo rweMashiri rwavanakomana vaKora.

1Senondo inotakwairira hova dzemvura,

Saizvozvo mweya wangu unokutakwairirai imi Mwari.

2Mweya wangu une nyota kuna Mwari,

iye Mwari mupenyu,

Ndichasvika riniko ndionekwe naMwari?

3Misodzi yangu zvakanga zviri zvokudya zvangu

masikati nousiku,

Pakutaura kwavo zuva rose kwandiri vachiti,

“Mwari wako aripiko?”

4Ndinorangarira zvinhu izvi,

ndichidurura mweya wangu mukati mangu,

Zvokuti ndaienda navazhinji, ndichivatungamirira

kuimba yaMwari

Nezwi rokufara nokurumbidza,

tiri vazhinji vaitamba mutambo.

5Unoshuwireiko, mweya wangu?

Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu?

Tarira kuna Mwari; nokuti ndichazomurumbidza hangu,

Nokuda kwokuponesa kwechiso chake.

6Haiwa Mwari, mweya wangu unoshuwa mukati mangu;

Naizvozvo ndinokurangarirai ndiri panyika yaJorodhani,

Napamakomo eHerimoni, nechikomo cheMizari.

7Pakadzika panodana pakadzika

pakutinhira kwamapopopo enyu;

Mafungu enyu namapoporodzi enyu

akapfuura napamusoro pangu.

8Asi Jehovha acharaira unyoro hwake

panguva yamasikati,

Usiku rwiyo rwake ruchava neni,

Uye munyengetero kuna Mwari

woupenyu hwangu.

9Ndichati kuna Mwari, dombo rangu,

“Makandikanganwireiko?

Ndinofambireiko ndichichema nemhaka

yokumanikidza kwomuvengi wangu?”

10Zvakafanana nomunondo pamapfupa angu,

kana vadzivisi vangu vachindizvidza;

Kana vachiramba vachiti kwandiri,

“Mwari wako aripiko?”

11Unoshuwireiko, mweya wangu?

Unoshaiwa rugare neiko mukati mangu?

Tarira kuna Mwari; nokuti

ndichazomurumbidza hangu,

Iye muponesi wechiso changu, naMwari wangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help