Varoma 12 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kuzvipa kuna Mwari

1Naizvozvo ndinokumbira zvikuru kwamuri, hama dzangu, netsitsi dzaMwari, kuti muise miviri yenyu, chive chibayiro chipenyu, chitsvene, chinofadza Mwari, ndiko kunamata kwenyu kwomwoyo.

2Musaenzaniswa nenyika ino; asi mushandurwe murangariro wenyu uchivandudzwa, kuti muedze muzive kuda kwaMwari kwakanaka, kunofadza, kwakakwana.

Zvipo zvaMwari, noRudo kuna vamwe

3Nokuti nenyasha dzandakapiwa, ndinoudza mumwe nomumwe ari pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera, mumwe nomumwe nechiyero chokutenda, sezvaakagoverwa naMwari.

4Nokuti sezvatine mitezo mizhinji pamuviri mumwe, asi mitezo yose haina basa rimwechete;

5saizvozvo isu, tiri vazhinji, tiri muviri mumwechete munaKristu, mumwe nomumwe ari mutezo wavamwe.

6Tine zvipo zvakasiyana, patakapiwa nyasha napo; kana kuri kuporofita, ngatiporofite zvakaenzana nokutenda kwedu;

7kana kuri kushumira, ngazvionekwe pakushumira kwedu; kana kuri kudzidzisa, pakudzidzisa kwedu;

8kana kuri kurayira, pakurayira kwedu; anopa, ngaape nomwoyo wose; ari mukuru, ngaabate nokushingaira; anoitira ngoni, ngaaite nomufaro.

9Rudo ngarurege kuva nokunyengera. Vengai zvakaipa; namatirai zvakanaka.

10Kana ruri rudo pakati pavatendi, danai norudo rukuru; pakukudzana tungamiriranai.

11Regai kuva nousimbe pakushingaira; pisai pamweya; batirai Ishe;

12farai patariro; tsungirirai pakutambudzika; rambai muchinyengetera;

13govanai navatsvene pakushayiwa kwavo; itirai vaeni rudo.

14Ropafadzai vanokutambudzai; ropafadzai, musatuka.

15Farai navanofara; chemai navanochema.

16Ivai nomwoyo mumwe pakati penyu. Musatsvaka zvinorumbidzwa, asi mufambidzane navanozvininipisa. Musati pamwoyo yenyu makachenjera.

17Musatsiva munhu chakaipa kana akuitirai chakaipa. Tsvakai zvakarurama pamberi pavanhu vose.

18Kana zvichibvira, pamunogona napo, ivai norugare navanhu vose.

19Musatsiva, vadikanwi, asi mudziurire kutsamwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi, “Kutsiva ndokwangu, ini ndicharipira ndizvo zvinoreva Ishe.”

20Asi kana muvengi wako aziya, umupe kudya; kana afa nenyota, umupe kunwa; nokuti kana uchiita izvozvo, uchatutira mazimbe omoto pamusoro wake.

21Usakundwa nezvakaipa, asi ukunde zvakaipa nezvakanaka.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help