Ezekieri 15 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jerusaremu rinofananidzwa nomuti usina maturo

1Zvino shoko raJehovha rakasvika kwandiri, richiti,

2“Mwanakomana womunhu, muti womudzambiringa unopfuura mimwe miti yose neiko, iro davi romudzambiringa riri pakati pemiti iri kudondo?

3Danda ringatorwapo rokuita basa naro here? Kana vanhu vangatorapo mbambo yokuturikisa mudziyo upi noupi here?

4“Tarirai, unokandirwa mumoto dzive huni; moto wapedza miromo miviri yawo, napakati watsvawo, zvino uchabatsira pabasa here?

5Tarirai, uchakanaka hauna kukwanira basa chose; ndoda zvino kana moto waupedza, kana watsva, ungakwaniri basa here!”

6Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Somuti womudzambiringa pakati pemiti iri kudondo, wandakaisa kumoto dzive huni, saizvozvo ndakaisa vagere Jerusaremu pakuparadzwa.

7Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.

8“Ndichaparadza nyika, nokuti vakandidarikira,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help