Mapisarema 130 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kuchema kwomutadzi kuna JehovhaRwiyo rworwendo.

1Ndakadanidzira kwamuri,

Jehovha, ndiri makadzika.

2Ishe inzwai izwi rangu;

Nzeve dzenyu ngadziteerere

Izwi rokukumbira kwangu.

3Dai imi Jehovha,

mairangarira zvisakarurama,

Ndianiko airamba amire, Ishe?

4Asi kukanganwirwa kuriko kwamuri,

Kuti vanhu vakutyei.

5Ndinorindira Jehovha, mweya wangu unorindira;

Ndinotarira shoko rake.

6Mweya wangu unorindira Ishe,

Kupfuura varindi vanorindira rungwanani;

Zvirokwazvo, kupfuura varindi

vanorindira rungwanani.

7Imi Isiraeri, tarirai kuna Jehovha;

Nokuti kuna Jehovha kune ngoni,

Uye kwaari kunokudzikinurwa kukuru.

8Iye achadzikinura Isiraeri

Panezvisakarurama zvake zvose.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help