Zvirevo 9 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Uchenjeri hwakavaka imba yahwo;

Hwakaveza mbiru dzahwo nomwe;

2Hwakabaya zvipfuwo zvahwo;

Hwakavenganisa waini yahwo;

Hwakagadzirawo tafura yahwo.

3Hwakatuma varandakadzi vahwo;

hunodanidzira pamitunhu yeguta, huchiti,

4“Asina mano ngaatsaukire muno;”

Asina njere, hunoti kwaari,

5“Uyai mudye chingwa changu,

Munwe waini yandakavhenganisa.

6Regai kusasvinuka murarame;

Mufambe nenzira yenjere.”

7Munhu, anoraira mudadiri

anozvitsvakira kunyadziswa;

Anotuka munhu wakaipa achasvibiswa.

8Usaraira mudadiri, kuti arege kukuvenga;

Raira munhu wakachenjera, iye achakuda.

9Ipa wakachenjera dzidzo,

ipapo iye achawedzerwa huchenjeri;

Dzidzisa wakarurama, ipapo iye

achawedzerwa zivo.

10Kuvamba kwouchenjeri ndiko kutya Jehovha;

Kuziva Mutsvene ndidzo njere.

11Nokuti neni mazuva ako achaitwa mazhinji,

Makore oupenyu hwako achawedzerwa.

12Kana wakachenjera, iwe, wakazvichenjerera hako;

Kana uri mudadiri, iwe woga uchava nemhosva yazvo.

13Mukadzi benzi anopupira;

Haana mano, haazivi chinhu.

14Anogara pamukova weimba yake,

Pachigaro pamitunhu yeguta.

15Kuti adanidzire kuna vanopfuura napo,

Ivo vanorurama nenzira dzavo, achiti,

16“Ani naani asina mano, ngaatsaukire muno;”

Asine njere, mukadzi anoti kwaari,

17“Mvura yabiwa inozipa,

Chingwa chinodyiwa pakavanda chinonaka.”

18Asi haazivi kuti vanopindamovanofa;

Kuti vakakokerwa naye vari mukati-kati meSheori.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help