Genesi 15 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jehovha anoita sungano naAbhuramu

1Shure kwaizvozvo shoko raJehovha rakasvika kuna Abhuramu pane zvaakaratidzwa, richiti, “Usatya Abhuramu; ini ndiri nhoo yako nomubayiro wako mukuru-kuru.”

2Abhuramu akati, “Ishe Jehovha, muchandipeiko, zvondofa hangu ndisina mwana; uchava mudyi wenhaka yeimba yangu ndiEriezeri weDhamasiko kani?”

3Abhuramu akati, “Tarirai, hamuna kundipa mwana; zvino uyo wakaponerwa mumba mangu ndiye achava mudyi wenhaka yangu.”

4Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwaari rikati, “Uyu haangavi mudyi wenhaka yako; asi uyo, achabuda paura hwako, ndiye achava mudyi wenhaka yako.”

5Akamubudisa panze akati, “Zvino tarira kudenga, uverenge nyeredzi, kana uchigona kudziverenga.” Akati kwaari, “Ndizvo zvichaita vana vako.”

6Iye akatenda Jehovha, akamuti ndiko kururama kwake.

7Akati kwaari, “Ndini Jehovha wakakubudisa panyika yeUri yavaKaradhea, kuti ndikupe nyika iyi, ive nhaka yako.”

8Iye akati, “Ishe Jehovha, ndichaziva seiko kuti ichava nhaka yangu?”

9Akati kwaari, “Nditorere tsiru rina makore matatu, nesheche yembudzi ina makore matatu, nehondohwe rina makore matatu, nenjiva, namwana wenjiva.”

10Akandomutorera izvozvo zvose, akazvipamura napakati, akagadzika rumwe rutivi rwakatarisana norumwe; asi shiri haana kudzipamura.

11Ipapo magora akaburukira kunyama, asi Abhuramu wakaadzinga.

12Zvino zuva rakati rovira, Abhuramu ndokubatwa nehope huru; akawirwa nokutya kwakabva parima guru.

13Akati kuna Abhuramu, “Uzive kwazvo kuti vana vako vachava vatorwa munyika isati iri yavo, vachava varanda vavo, vachatambudzwa makore ana mazana mana;

14asi ini ndichatonga rudzi urwo rwavachashumira, pashure vachabudapo nepfuma zhinji.

15Asi iwe uchaenda kuna madzibaba ako norugare; uchavigwa wakwegura kwazvo.

16Rudzi rwechina ruchadzokera pano, nokuti kusarurama kwavaAmori kuchigere kuzara.”

17Zvino zuva rakati ravira, kwasviba, choto chinopfungaira nezhenje romoto zvakaonekwa zvichipfuura napakati penhindi idzodzo dzenyama.

18Nomusi iwoyo Jehovha akaita sungano naAbhuramu, akati, “Vana vako ndavapa nyika iyi, kubva parwizi rweIjipiti kusvikira kurwizi rukuru, runonzi Yufuratesi.

19VaKeni, navaKenizi, navaKadhimoni,

20navaHeti, navaPerezi, navaRefaimi,

21navaAmori, navaKenani, navaGirigashi, navaJebhusi.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help