Mapisarema 84 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Mufaro uri paimba yaMwariKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weGititi. Pisarema ravanakomana vaKora.

1Ugaro hwenyu hunodikanwa sei,

Imi Jehovha wehondo!

2Mweya wangu unoshuva, zvirokwazvo

unopanga vazhe dzaJehovha;

Mwoyo wangu nenyama yangu

zvinodana kuna Mwari mupenyu.

3Zvirokwazvo, shiri yakazviwanira imba,

Nyenganyenga yakazviwanira dendere,

painoisa vana vayo,

Ipo paaritari dzenyu, Jehovha wehondo,

Mambo wangu, naMwari wangu.

4Vakaropafadzwa vanogara mumba menyu;

Vachagara vachikurumbidzai.

5Akaropafadzwa munhu ane simba rake mamuri;

Anemigwagwa inoenda Zioni mumwoyo make.

6Kana vachipfuura nomumupata wakaoma,

vanouita nzvimbo inamatsime;

Zvirokwazvo, mvura yomunhuruka

inoufukidza nemikomborero.

7Vanowedzera simba pasimba ravo,

Mumwe nomumwe wavo anosvika

pamberi paMwari paZioni.

8Haiwa, Jehovha wehondo, inzwa

munyengetero wangu;

Tererai nenzeve, Mwari waJakobho.

9Tarirai, Mwari, nhoo yedu,

Muone chiso chomuzodzwa wenyu.

10Nokuti zuva rimwe pavazhe dzenyu

rinokunda mamwe ane chiuru pakunaka.

Ndinoti zviri nani kuti ndive murindi

womukova mumba maMwari wangu,

Pakuti ndigare pamatende avane zvakaipa.

11Nokuti Jehovha Mwari izuva nenhoo;

Jehovha achapa nyasha nokukudzwa;

Hapana chinhu chakanaka chaanganyima

vanofamba nokururama.

12Jehovha wehondo,

Akaropafadzwa munhu anovimba nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help