Zvirevo 24 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Usagodora vanhu vakaipa;

Usashuva kuva pakati pavo.

2Nokuti mwoyo yavo inorangarira kuparadza;

Nemiromo yavo inotaura zvakashata.

3Imba inovakwa nouchenjeri;

Inosimbiswa nenjere.

4Nezivo dzimba dzomukati dzinozadzwa

Nepfuma yose inokosha inofadza.

5Munhu akachenjera ane simba;

Zvirokwazvo, munhu wezivo anowedzera simba.

6Nokuti anofanira kurwa pfumo

amborairirwa nouchenjeri;

Asi kuna varairiri vazhinji ndiko

kune ruponeso.

7Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi;

Harishamisi muromo waro padare.

8Anorangarira kuita zvakaipa,

Achanzi navanhu mwene wezvakashata.

9Mufungo woupenzi zvivi;

Mudadi anonyangadza vanhu.

10Kana ukapera simba nezuva rokutambudzika,

Simba rako ishoma.

11Rwira vanoiswa kurufu;

Novourawa usarega kuvadzosa.

12Kana ukati, “Tarirai, hatina kuzviziva;”

Ko iye anoidza mwoyo, haazvioni here?

Naiye anochengeta mweya wako,

haazvizivi here?

Ko iye haangapi mumwe nomumwe

zvakaenzana nebasa rake here?

13Mwanakomana wangu, idya uchi,

nokuti hwakanaka;

Nomusvi unozipa pamukanwa wako.

14Uchaona kuti ndizvo zvichaita

uchenjeri kumweya wako;

Kana wahuwana, mubayiro uchavapo,

Nezvakatarira hazvingaparadzwi.

15Iwe munhu akaipa, usavandira panogara wakarurama;

Usaparadza paanozorora.

16Nokuti munhu akarurama angawa kanomwe, achisimukazve;

Asi vakaipa vanowisirwa pasi nenjodzi.

17Usafarisisa kana muvengi wako achiwa;

Kana achiwisirwa pasi, mwoyo wako ngaurege kufara.

18Kuti Jehovha arege kuzviona, zvisamufadza,

Akazodzora kutsamwa kwake kwaari.

19Usatsamwa nokuda kwavaiti vezvakaipa;

Uye usagodora vakaipa.

20Nokuti munhu akaipa haana mubayiro;

Mwenje wakaipa uchadzimwa.

21Mwanakomana wangu, itya Jehovha namambo;

Usafambidzana navanongosishanduka.

22Nokuti nhamo yavo ichamuka pakarepo;

Nokuguma kwamakore avo, ndiani achazviziva?

23Zvirevo izviwo zvakabva kuna vakachenjera,

Kutsaura vanhu pakutonga hazvina kunaka.

24Anoti kune wakaipa, “Akarurama,”

Vanhu vachamutuka, nendudzi dzichamusema.

25Asi vanomuraira, vachaitirwa zvakanaka;

ropafadzo yakanaka ichauya pamusoro pavo.

26Anopindura namashoko akarurama,

Atsvoda nemiromo.

27Gadzira basa rako kunze,

Uzvigadzirire iro pamunda;

Pashure ugovaka imba yako.

28Usava chapupu chinopomera wokwako asina mhosva;

Usanyengedzera nemiromo yako.

29Usati, “Sezvaakandiitira, ndizvo zvandichamuitirawo;

Ndicharipira munhu sezvaakaita iye.”

30Ndakapfuura napamunda wesimbe,

Napamunda wemidzambiringa womunhu anoshaiwa njere;

31Tarirai, akanga angomera minzwa chete;

Munda wose wakanga wakafukidzwa norukato,

Norusvingo rwawo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.

32Ipapo ndakacherekedza, ndikanatsofunga;

Ndakaona, ndikadzidziswa.

33Kumbovata zvishomanene, kumbotsimwaira zvishomanene,

Kumbofungatira maoko zvishomanene, ndizorore;

34Saizvozvo urombo hwako huchasvika segororo,

Nokushaiwa kwako somunhu

akashonga nhumbi dzokurwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help