1Imi Mwari munofanira kurumbidzwa paZioni;
Imi munofanira kuitirwa mhiko.
2Imi vokunzwa munyengetero,
Vanhu vose vanofanira kuuya kwamuri.
3Mashoko akaipa ondikunda;
Kana kuri kudarika kwedu muchakudzima imi.
4Akaropafadzwa munhu wamunosanangura,
wamunoswededza kwamuri,
Kuti agare pavazhe dzenyu;
Isu tichagutiswa nounaki hweimba yenyu,
Iyo nzvimbo tsvene yetemberi yenyu.
5Mukururama kwenyu munotipindura nezvinhu zvinotyisa,
Imi Mwari muponesi wedu;
Imi chivimbo chamativi ose apasi,
Navari kure pagungwa;
6Iye, anoteya makomo nesimba rake;
Iye, akasungwa chiuno nesimba;
7Iye, unonyaradza kutinhira kwamakungwa,
iko kutinhira kwamafungo awo,
Nokupopota kwavanhu.
8Naivo vagere kumigumo vanotya zviratidzo zvenyu;
Munofadza mabudiro amangwanani naamadeko.
9Munoshanyira pasi, munopadiridza,
Munopafumisa kwazvo;
Rwizi rwaMwari ruzere nemvura;
Munovagadzirira zviyo, kana
magadzira pasi saizvozvo.
10Munozadza mihoronga yapo kwazvo;
Munoenzanisa mipanje yapo;
Munopanyorovesa nemvura inopfunha;
Munoropafadza zvinomera zvapo.
11Munoshongedza mwaka nekorona
younaki hwenyu;
Makwara enyu anodonha mafuta.
12Anodonha pamafuro erenje;
Zvikomo zvinozvisunga nomufaro.
13Mafuro akafukidzwa namapoka ezvipfuwo;
Uye mipatawo yakafukidzwa nezviyo;
Zvinopururudza, zvichiimbawo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.