Mapisarema 17 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anochema kuti arwirwe kuvavengi vakeMunyengetero waDhavhidhi

1Inzwai zvakarurama Jehovha,

muteerere kuchema kwangu;

Rerekerai nzeve dzenyu

kumunyengetero wangu, unobva

pamiromo isinganyengeri.

2Kutongwa kwangu ngakubve pamberi penyu;

Meso enyu ngaatarire zvakarurama.

3Makaidza mwoyo wangu; makandishanyira usiku;

Makandiidza, mukasawana kufunga kwakaipa mandiri;

Ndakazvisunga kuti muromo wangu urege kudarika.

4Kana ari mabasa avanhu; neshoko remiromo yenyu,

Ini ndakanzvenga nzira dzomuparadzi.

5Kutsika kwangu kwakarambira panzira dzenyu,

Tsoka dzangu hadzina kutedzemuka.

6Ini ndakadana kwamuri, nokuti

muchandipindura, imi Mwari;

Rerekerai nzeve dzenyu kwandiri,

munzwe kutaura kwangu.

7Ratidzai unyoro hwenyu hunoshamisa,

imi, munoponesa vanovimba nemi,

Imi munoponesa noruoko rwenyu

rworudyi, ava vanovimba nemi

Kunavanovamukira simba.

8Ndichengetei semboni yeziso renyu,

Ndivanzei pasi pomumvuri wamapapiro enyu,

9Kunavakaipa, vanondiparadza,

Ivo vavengi vangu vakaipa, vanondikomba.

10Vakadzivira mwoyo yavo;

Vanotaura vachikudza nemiromo yavo.

11Vakatikomba zvino pakufamba kwedu;

Vanocherekedza nameso avo kuti vatiwisire pasi.

12Vakafanana neshumba inokarira kuparadza,

somwana weshumba inovandira panzvimbo dzakavanda.

13Simukai, Jehovha,

Mirai pamberi pake, mumuwisire pasi;

Rwirai mweya wangu nomunondo wenyu kuna vakaipa;

14Kuvanhu, noruoko rwenyu imi Jehovha,

Kuvanhu venyika, vanomugove wavo paupenyu uhwu,

Vamunozadza dumbu ravo nepfuma yenyu;

Vana vana vazhinji,

Vanosiyira vacheche vavo zvakasara zvepfuma yavo.

15Ini ndichaona chiso chenyu pakururama;

Ndichaguta nomufananidzo wenyu pakumuka kwangu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help