1Ndakati, “Ndichachenjerera nzira dzangu,
Kuti ndirege kutadza norurimi rwangu;
Ndichachengeta muromo wangu netomu,
Kana wakaipa ari pamberi pangu.”
2Ndakanga ndiri mbeveve ndisingatauri,
Ndakanyarara hangu, ndiri kure nezvakanaka.
Kuchema kwangu kukamutswa.
3Mwoyo wangu wakanga uchipisa mukati mangu;
Ndakati ndichifunga, moto ukapfuta;
Ipapo ndakataura norurimi rwangu, ndikati,
4“Jehovha, ndizivisei mugumo wangu,
Uye mwero wamazuva angu, kuti akadini;
Ndizivisei kuti ndinongopfuura hangu.”
5Tarirai, makaita mazuva angu
sohupamhi hwechanza;
Uye nguva yokurarama kwangu
sechinhu chisipo pamberi penyu;
Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe
kunyange akasimba kwazvo, mweya bedzi.
6Zvirokwazvo, munhu mumwe nomumwe
anofamba-famba somumvuri;
Zvirokwazvo, vanoita hope pasina;
Anounganidza pfuma, asi haazivi
kuti ndiani achaidya.
7Zvino Ishe, ndakarindireiko?
Tariro yangu iri kwamuri.
8Ndirwirei pakudarika kwangu kwose;
Regai kundiita munhu anosekwa namapenzi.
9Ndakanga ndiri mbeveve, handina
kushamisa muromo wangu;
Nokuti ndimi makazviita.
10Bvisai shamhu yenyu kwandiri;
Ndapera nokurohwa noruoko rwenyu.
11Kana muchiraira munhu muchimuranga
pamusoro pezvakaipa,
Munopedza kunaka kwake sechiunduzi;
Zvirokwazvo munhu mumwe nomumwe mweya hake.
12Inzwai munyengetero wangu, Jehovha,
rerekerai nzeve yenyu
munzwe kuchema kwangu;
Musanyarara muchiona misodzi yangu;
Nokuti ndiri mweni kwamuri,
Mutorwa, sezvakanga zvakaita madzibaba angu ose.
13Regai kunditarira,
kuti ndimbonaya hangu,
Ndisati ndabva pano, ndikasazovapo.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.