1Batsirai, Jehovha; nokuti vanoda Mwari vopera;
Nokuti vakatendeka havachipo pakati pavana vavanhu.
2Vanotaura mumwe nomumwe zvisina
maturo nowokwake;
Vanotaura nomuromo unobata kumeso,
uye nemwoyo miviri.
3Jehovha achagura miromo yose inobata kumeso,
Norurimi runotaura zvinhu zvikuru;
4Ivo vakati, “Tichakunda norurimi rwedu;
Miromo yedu ndeyedu;
ndianiko angava ishe wedu?”
5“Nokuda kwokumanikidzwa kwavarombo,
nokugomera kwavanoshaiwa,
Ndichamuka zvino nokuda kwaizvozvo,”
ndizvo zvinotaura Jehovha;
Ndichamuisa pakasimba ipo paanoshuva.
6Mashoko aJehovha mashoko akachena;
Sesirivha yakaidzwa mubisiro panyika,
Yakanatswa kanomwe.
7Muchavachengeta, Jehovha,
Muchavachengeta parudzi urwu nokusingaperi.
8Vakaipa vanofamba pamativi ose,
Kana zvakashata zvichikudzwa pakati
pavanakomana vavanhu.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.