Zvirevo 18 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Anozviparadzanisa navamwe,

anongotsvaka kuda kwake,

Anorwa nohuchenjeri hwose kwahwo.

2Benzi harifariri kunzwisisa,

Asi kuti mwoyo waro ufukurwe.

3Kana akaipa achisvika, kuzvidza kwasvikawo;

Pamwechete nezvinonyadzisa, kushora kunouyawo.

4Mashoko omuromo womunhu akaita

semvura yakadzika;

Sorukova runoyerera, setsime rouchenjeri.

5Kutsaura akaipa hazvina kunaka;

Kana kuramba akarurama pakutonga.

6Miromo yebenzi inouyisa kukakavara;

Muromo waro unodana kurohwa.

7Muromo webenzi ndiko kuparadzwa kwaro;

Miromo yaro musungo womweya waro.

8Mashoko omucheri akaita sezvimedu zvinozipa,

Zvinoburukira mukati-kati momuviri.

9Naiye ane usimbe pakubata kwake,

Munun'una womuparadzi.

10Zita raJehovha inhare yakasimba;

Wakarurama anovangiramo ndokuchengetwa.

11Pfuma yomupfumi ndiwo musha wake wakasimba,

Uye sorusvingo rurefu pakufunga kwake.

12Mwoyo womunhu anozvikudza kuparadzwa kusati kwasvika;

Kuzvininipisa kunotangira kukudzwa.

13Anopindura asati anzwa,

Zvichava kwaari upenzi nokunyadziswa.

14Mweya womunhu unomusimbisa

pakurwara kwake;

Asi mweya wakaputsika ungamutswa nani?

15Mwoyo wowakachenjera unowana zivo;

Nzeve yowakachenjera inotsvaka zivo.

16Chipo chomunhu chinomuwanira nzvimbo,

Chinomuisa pamberi pavakuru.

17Anotanga kutambirwa mhaka yake

anenge akarurama;

Asi wokwake anosvika womuferefeta.

18Mijenya inogumisa kukakavara;

Inotema chirevo pakati pavane simba.

19Hama yatadzirwa inopfuura guta rakasimba;

Kukakavara kwakafanana nezvipfigiso zveimba yamambo.

20Dumbu romunhu rinogutiswa nezvibereko zvomuromo wake;

Achagutiswa nezvakawanda zvemiromo yake.

21Rurimi rune simba pamusoro porufu noupenyu;

Vanoruda vachadya zvibereko zvarwo.

22Awana mukadzi awana chinhu chakanaka,

Avigirwa nyasha yaJehovha.

23Murombo anokumbira achinyengetera;

Asi mupfumi anopindura nehasha.

24Munhu ane shamwari zhinji anoparadzwa;

Asi shamwari iriko inonamatira kupfuura hama.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help