Ekisodho 31 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Bhezareri naOhoriabhu vanogadzwa pabasa

1Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,

2“Tarira, ndadana Bhezareri, mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, nezita rake,

3ndikamuzadza noMweya waMwari, nouchenjeri, nokunzwisisa, nokuziva kwose, nokugona marudzi ose amabasa,

4kuti afunge mano oumhizha, nokubata nendarama, nesirivha, nendarira,

5nokuveza mabwe anoiswa mukati, nokuveza matanda, nokugona marudzi ose amabasa.

6Uye ini, tarira ndakagadza pamwechete naye Ohoriabhu, mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani; nomumwoyo yavose vane mwoyo yakangwara ndakaisa uchenjeri, kuti vaite zvose zvandakakuraira,

7zvinoti: Tende rokusangana, neareka yechipupuriro, nechifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro payo, nenhumbi dzose dzetabhenakeri,

8netafura nenhumbi dzayo, nechigadziko chemwenje chakaisvonaka nenhumbi dzacho dzose, neatari yezvinonhuwira,

9neatari yezvipiriso zvinopiswa nenhumbi dzayo dzose, nomudziyo wokushambidzira nechigadziko chawo,

10nenguo dzakarukwa zvakanaka, nenguo tsvene dzaAroni mupristi, nenguo dzavanakomana vake dzokubata basa roupristi nadzo,

11namafuta okuzodza nawo, nezvinonhuwira zvemiti inonaka zvapanzvimbo tsvene; vanofanira kuita zvose sezvandakakuraira.”

Murayiro weSabata

12Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati,

13“Taura navana vaIsiraeri, uti, ‘Zvirokwazvo munofanira kuchengeta maSabata angu; nokuti chiratidzo pakati pangu nemi kusvikira kumarudzi enyu ose, muzive kuti ndini Jehovha unokutsaurai.

14Naizvozvo chengetai Sabata, nokuti idzvene kwamuri; ani naani unorizvidza ngaaurawe zvirokwazvo; nokuti ani naani unobata basa ripi neripi naro, munhu uyo ngaabviswe pakati porudzi rwake.

15Mabasa ose ngaabatwe namazuva matanhatu, asi zuva rechinomwe iSabata rokuzorora kwazvo, idzvene kuna Jehovha; ani naani unobata basa ripi neripi nezuva reSabata, ngaaurawe zvirokwazvo.’

16Naizvozvo vana vaIsiraeri vanofanira kuchengeta Sabata, varangarire Sabata kusvikira kumarudzi avo ose; ive sungano isingaperi.

17Chiratidzo pakati pangu navana vaIsiraeri nokusingaperi; nokuti Jehovha wakaita denga nenyika namazuva matanhatu, akazorora nezuva rechinomwe, akasimbiswa.”

18Zvino wakati apedza kutaura naMosesi pagomo reSinai, akamupa mahwendefa maviri echipupuriro, mahwendefa amabwe akanga akanyorwa nomunwe waMwari.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help