Jobho 36 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Mwari anotuma miidzo kuti adzore munhu, saka munhu anofanira kuzvininipisa pamberi pake

1Erihu akapfuurawo, akati,

2“Nditenderei henyu zvishoma, ndikuratidzei;

Nokuti ndichine zvimwe

zvandinoda kutaura pamusoro paMwari.

3Ndichatora zivo yangu kure,

Ndicharatidza kuti Muiti wangu akarurama.

4Nokuti zvirokwazvo, mashoko angu haane nhema;

Mumwe akakwana pazivo unemi.

5Tarirai, Mwari ane simba, asi haashori munhu;

Imhare pasimba renjere.

6Haachengeti upenyu hwavakaipa;

Asi anoruramisira vanotambudzika.

7Haaregi kutarira vakarurama nameso ake;

Asi anovagarisa pachigaro choushe

pamwechete namadzimambo,

Anovagarisa nokusingaperi, vachikudzwa.

8Asi kana vachinge vasungwa namaketani,

Kana kubatwa namabote okutambudzika;

9Ipapo unovazivisa mabasa avo,

Nokudarika kwavo, kuti vakafamba vachizvikudza.

10Unodziurawo nzeve dzavo vanzwe kuraira kwake,

Unovaraira kuti vadzoke pazvakaipa zvavo.

11Kana vakamunzwa nokumushumira,

Vachapedzisa mazuva avo vachifara,

Namakore avo vari pane zvinofadza.

12Asi kana vakaramba kuteerera,

vachapera nomunondo,

Vachafa vasina zivo.

13Asi vasingadi Mwari pamwoyo

vanozviunganidzira kutsamwa;

Havaridzi mhere kuti vabatsirwe kana achivasunga.

14Vanofa vachiri vaduku,

Hupenyu hwavo hunopera sohwavasina kururama.

15Anorwira anotambudzika pakutambudzika kwake,

Unodziura nzeve dzavo pakumanikidzwa kwavo.

16Zvirokwazvo, akanga achida kukubvisai panjodzi

Kukusvitsai panzvimbo yakafara, pasina kumanikana;

Kuti zvinoiswa patafura yenyu zvive zvizere namafuta.

17Asi imi muzere nokutonga vakaipa;

Kutonga nokururamisira zvinokubatai.

18Nokuti chenjerai kuti kutsamwa

kurege kukusvitsai pakudadira;

Hukuru hwedzikinuro hurege kukutsausai.

19Ko pfuma yenyu ingaringana, kuti

murege kutambudzika here,

Uye simba renyu rose-rose here?

20Musashuva husiku,

Panguva iyo ndudzi dzavanhu

dzinobviswa panzvimbo yadzo.

21Chenjerai, regai kurangarira zvakaipa;

Nokuti ndizvo zvamakasanangura kupfuura kutambudzika.

22Tarirai, Mwari anoita zvinhu zvikuru nesimba rake;

Ndianiko mudzidzisi wakafanana naye?

23Ndianiko akamuraira nzira yake?

Kana ndianiko angati, ‘Makaita zvisina kururama here?’

24Rangarirai, kuti murumbidze basa rake,

Rakaimbwa navanhu.

25Vanhu vose vakaritarira;

Vanhu vanoriona vari kure.

26Tarirai, Mwari mukuru; asi isu hatimuzivi;

Kuwanda kwamakore ake hakunganzverwi.

27Nokuti anokwevera kumusoro madonhedza emvura,

Anoshanduka mvura inonaya ichibva pamwando wawo;

28Inodururwa namakore

Ichidonhera yawanda pamusoro pavanhu.

29Ko kuno munhu anganzwisisa kudadanurwa kwamakore,

Nokutinhira kwetende rake here?

30Tarirai, unodadanura chiedza chake kunhivi dzake dzose;

Unofukidza pasi pegungwa.

31Nokuti naizvozvi anotonga ndudzi dzavanhu;

Anovapa zvokudya zvizhinji.

32Anofukidza maoko ake nemheni;

Nokuiraira kuti irove payakaratidzwa.

33Mubvumo wayo unomuzivisa,

Nemombewo dzinonzwa kuti unouya.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help