1Jehovha, ndianiko angatsaukira mutende renyu?
Ndianiko angagara pagomo renyu dzvene?
2Uyo, anofamba asina mhosva, anoita zvakarurama,
Anotaura zvokwadi mumwoyo make.
3Iye asina makuhwa parurimi rwake,
Asingaitiri shamwari yake zvakaipa,
Asingatuki waagere naye.
4Munhu akashata anozvidzwa naye;
Asi anokudza vanotya Jehovha.
Iye anoti kana achinge apika,
haangazoshanduri shoko rake,
kunyange zvikava zvakaipa kwaari.
5Iye asingarevi mhindu pamari yake,
Kana kugamuchira chipo pamusoro pausina mhosva.
Munhu anoita zvinhu izvozvi haangatongozonunguswi.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.