Mapisarema 14 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Vanhu vose vakashataKumutungamiriri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi.

1Benzi rakati mumwoyo maro,

“Mwari haako.”

Vakaora, vakabata mabasa anonyangadza;

Hapana anoita zvakanaka.

2Jehovha ari kudenga, akatarira pasi kuvana vavanhu,

Kuti aone kana akachenjera aripo,

Anotsvaka Mwari.

3Vakatsauka vose, vakasvibiswa pamwechete;

Hapana anoita zvakanaka, kunyange nomumwe.

4Ko vaiti vose vezvakaipa havana zivo here?

Ivo vanodya vanhu vangu sezvavanodya chingwa,

Vasingadani kuna Jehovha.

5Vakanga vachitya zvikuru ipapo;

Nokuti Mwari anogara parudzi rwavakarurama.

6Munonyadzisa zano romurombo,

Asi Jehovha ndiye utiziro hwake.

7Dai kuponeswa kwaIsiraeri kwaibva paZioni!

Kana Jehovha achidzosa vanhu vake pakutapwa,

Ipapo Jakobho achafarisisa kwazvo,

naIsiraeri achafara.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help