Jobho 12 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jobho anozvidavirira, anoziva kwazvo kuti Mwari ndiye waMasimbaose, zvinoonekwa pachena

1Ipapo Jobho akapindura, akati,

2“Zvirokwazvo, imi muri vanhu vakangwara,

Kungwara kuchafa pamwechete nemi.”

3Asi ini ndine njerewo semi;

Handizi muduku kwamuri;

Zvirokwazvo, ndianiko asingazivi zvinhu zvakadai?

4Ndakafanana nomunhu anosekwa nowaanogara naye,

Munhu akadana kuna Mwari, iye akamupindura;

Munhu wakarurama, akakwana, ndiye wosekwa.

5Munhu anogara akafara hake anoshora pamifungo yake

munhu uri panjodzi.

Kushorwa kunogarira vanhu vanotedzemuka norutsoka rwavo.

6Matende amakororo anofara hawo,

Avo vanotsamwisa Mwari vanogara havo zvakanaka;

Ivo vanozadzirwa ruoko rwavo naMwari.

7Asi bvunzai henyu zvino mhuka, dzichakudzidzisai;

Neshiri dzokudenga, dzichakuudzai;

8Kana taurai henyu nenyika, ichakudzidzisai;

Nehove dzegungwa dzichakuparidzirai.

9Ndianiko asingazivi pazvinhu izvi zvose,

Kuti ndirwo ruoko rwaJehovha rwakaita izvi zvose?

10Mweya wezvipenyu zvose uri muruoko rwake,

Nokufema kwavanhu vose.

11Ko nzeve haiidzi mashoko,

Somukanwa unoravira zvokudya here?

12Vatana ndivo vakangwara,

Vana mazuva mazhinji ndivo vanonzwisisa.

13Iye ndiye anokungwara nesimba,

Ndiye anamano nokunzwisisa.

14Tarirai, iye anokoromora, hazvingavakwizve;

Iye anopfigira munhu, haangazozarurirwi.

15Tarirai, iye anodzivisa mvura, ndokupwa kwayo;

Uye anoitumazve, ndokushandura kwayo nyika.

16Iye ane simba nokungwara kukuru;

Akanyengerwa nounonyengera ndavake vose.

17Unokanganisa mano amanevanje,

Vatongi anovaita mapenzi.

18Anosunungura simba ramadzimambo,

Ndokusunga zviuno zvavo negwarada.

19Anotorera vapristi ukuru hwavo,

Nokukunda vane simba.

20Anotorera vakatenda mashoko avo,

Nokubvisira vakuru kunzwisisa kwavo.

21Anodurura kushoora kwake pamusoro pamachinda,

Nokusunungura bhanhire ravane simba.

22Anofukura zvinhu zvakadzika parima,

Anobudisira kuchiedza mumvuri worufu.

23Anowanza ndudzi, ndokudziparadza,

Anoparadzira ndudzi kwose, ndokudzitapa.

24Anobvisa kunzwisisa kwavakuru vavanhu venyika,

Anovadzungairisa murenje musine nzira.

25Vanotsangadzira murima vasina chiedza,

Anovadzengedzekesa somunhu akabatwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help