Mapisarema 74 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Asafi anochema kuparadza kwenzvimbo tsveneRwiyo rweMashiri rwaAsafi.

1Haiwa Mwari, makatirashireiko nokusingaperi?

Hasha dzenyu dzinopfungairira

makwai amafuro enyu nemhaka yeiko?

2Rangarirai ungano yenyu yamakatenga kare,

Yamakadzikinura kuti ruve rudzi rwenhaka yenyu;

Gomo reZioni pamakanga mugere.

3Simudzai makumbo enyu muone

zvakaparadzwa zvisingaperi,

Izvo zvakaipa zvose zvakaitwa

navavengi panzvimbo tsvene.

4Vadzivisi venyu vakanduruma pakati

peungano yenyu;

Vakamisa mireza yavo zvive zviratidzo.

5Vakafanana navanhu vakasimudza

Masanhu mudondo remiti.

6Zvino zvose zvakavezwa zvayo

Vanozviputsa nedimuro nenyundo.

7Vakapisa nzvimbo yenyu tsvene nomoto;

Vakashatisa ugaro hwezita renyu vachihuputsira pasi.

8Vakati mumwoyo mavo,

“Ngativaparadze pamwechete;”

Vakapisa nzvimbo dzose pavanounganira Mwari munyika.

9Hatichaoni zviratidzo zvedu;

Hapachina muporofita;

Pakati pedu hapana munhu anoziva

kuti zvichasvikira rini.

10Haiwa Mwari, mudzivisi,

achashora kusvikira riniko?

Muvengi acharamba achizvidza zita

renyu nokusingaperi here?

11Munodzosereiko ruoko rwenyu,

irwo ruoko rwenyu rworudyi?

Rutambanudzei pachipfuva chenyu, muvapedze.

12Kunyange zvakadaro Mwari ndiye

Mambo wangu kubva kare,

Iye anobata mabasa okuponesa pakati penyika.

13Makapamura gungwa nesimba renyu;

Makaputsa misoro yezvikara zvegungwa mumvura.

14Makaputsanya misoro yengwena,

Makaipa vanhu vagere murenje

kuti ive nyama yavo.

15Makapamura tsime neboporodzi;

Makapwisa nzizi huru.

16Masikati ndeenyu, nousiku ndohwenyuwo;

Ndimi makagadzira chiedza nezuva.

17Ndimi makatara miganho yose yapasi;

Ndimi makaita zhizha nechando.

18Rangarirai chinhu ichi, kuti muvengi

akakuzvidzai, Jehovha,

Uye kuti rudzi rwamapenzi rwakamhura zita renyu.

19Regai henyu kuisa kuchikara mweya wenjiva yenyu;

Musakanganwa upenyu hwavarombo venyu.

20Rangarirai sungano;

Nokuti nzvimbo dzine rima dzapasi

dzizere nougaro hwavamanikidzi.

21Haiwa, vanomanikidzwa ngavarege

kudzoka vachinyara;

Varombo navashaiwi ngavarumbidze zita renyu.

22Simukai Mwari, muzvireverere mhaka yenyu,

Rangarirai kuzvidzwa kwenyu nebenzi zuva rose.

23Regai kukanganwa izwi ravadzivisi venyu;

Bope ravanokumukira rinogara richikwira.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help