Muparidzi 9 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Nzira dzaMwari navakarurama navakaipa hadzizikanwi

1Nokuti izvozvo zvose ndakazvirangarira nomwoyo wangu, kuti ndinzwisise izvozvi zvose, kuti vakarurama navakachenjera vari paruoko rwaMwari, pamwechete namabasa avo; kana kuri kuda kana kuvenga, munhu haazvizivi; zvose zviri mberi kwazvo.

2Zvose zvinoenzanisirwa vose; chinhu chimwe chinoitirwa akarurama noakaipa, akanaka noakachena noane tsvina, anobayira noasingabayiri, akanaka nomutadzi, anopika noanotya kupika.

3Chinhu ichi chakaipa pakati pezvose zvinoitwa pasi pezuva, kuti chinhu chimwe chiitirwe vose; zvirokwazvowo, mwoyo yavanakomana vavanhu izere nezvakaipa, uye upengo huri mumwoyo yavo vachiri vapenyu; shure kwaizvozvo vanoenda kuvakafa.

4Nokuti kana munhu achiri pakati pavapenyu vose, achine chinhu chaangatarira; nokuti imbwa mhenyu inopfuura shumba yakafa.

5Nokuti vapenyu vanoziva kuti vachazofa, asi vakafa havana chavanoziva, kunyange nomubayiro havachina; nokuti havacharangarirwi.

6Rudo rwavo, nokuvenga kwavo, negodo ravo, zvose zvanguva zvapera hazvo; havachino mugove nokusingaperi pazvose zvinoitwa pasi pezuva.

7Enda zvako, udye zvokudya zvako nomufaro, unwe waini yako nomwoyo wakafara; nokuti Mwari atofadzwa namabasa ako.

8Nguo dzako dzigare dzakachena; nomusoro wako urege kushaiwa mafuta.

9Gara nomufaro nomukadzi wako, waunoda, mazuva ako ose asina maturo, aakakupa pasi pezuva, mazuva ako ose asina maturo; nokuti ndiwo mugove wako paupenyu, uye pakubata kwako kwaunobata pasi pezuva.

10Zvose zvinowana ruoko rwako, kuti ruzviite, uzviite nesimba rako rose; nokuti hakune basa, kana zano, kana zivo, kana uchenjeri paSheori kwaunoenda.

Uchenjeri hunopfuura zvose

11Ndakadzoka, ndikaona pasi pezuva, kuti anomhanyisa haazi iye anokunda, ane simba haazi iye anokunda pakurwa, akachenjera haazi iye ane zvokudya, vanhu vane njere havazi ivo vane pfuma, vanhu vanoumhizha havazi ivo vanofarirwa; asi vanowirwa vose nenguva nezvinoitika.

12Nokuti nomunhuwo haazivi nguva yake; sehove, dzinobatwa murutava rwakaipa, kana shiri, dzinobatwa murugombe; saizvozvo vanakomana vavanhu vanoteyiwa nenguva yakaipa, kana yavawira kamwe-kamwe.

13Ndakaonawo pasi pezuva uchenjeri hwakadai, ndikati hukuru.

14Kwakanga kune guta duku, maiva navarume vashoma; mumwe mambo mukuru akarimukira, akarikomba, akarivakira masvingo makuru okurwa nawo.

15Zvino mukati maro makawanikwa murombo akanga akachenjera, iye akaponesa guta nouchenjeri hwake; asi hakuna munhu akarangarira munhu uyo murombo.

16Ipapo ndakati, “Uchenjeri hunopfuura simba; kunyange zvakadaro uchenjeri hwomurombo hunoshorwa, namashoko ake haateererwi.”

17Mashoko avakachenjera, anonzwika kana kwakadzikama, anopfuura kudanidzira kwomunhu anobata ushe pakati pamapenzi.

18Uchenjeri hunopfuura nhumbi dzokurwa; asi mutadzi mumwe anoparadza zvakanaka zvizhinji.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help