1Jehovha panguva yaakadzosa vatapwa veZioni,
Isu takanga takafanana navanorota hope.
2Panguva iyo muromo wedu wakanga uzere nokuseka,
Norurimi rwedu nokuimba;
Ipapo pakati pavahedheni vakati,
“Jehovha akavaitira zvinhu zvikuru;”
3Jehovha wakatiitira zvinhu zvikuru;
Isu tinofara.
4Dzosai vatapwa vedu, Jehovha,
Sehova panyika yeNyasi.
5Vanodyara nemisodzi vachakohwa nomufaro.
6Anofamba-famba, achichema,
akatakura tsama yembeu,
achadzoka nomufaro akatakura zvisote zvake.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.