Mapisarema 22 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kuchema kwomunhu akasiyiwa naMwariKumutungamiriri wokuimba; nomuimbirwo weAjereti Hashishahari. Pisarema raDhavhidhi.

1Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyireiko?

Munomirireiko kure pakundibatsira,

napamashoko okugomba kwangu?

2Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri;

Nousiku, asi handiwani zororo.

3Asi imi muri mutsvene,

Imi mugere parumbidzo dzaIsiraeri.

4Madzibaba edu akavimba nemi;

Vakavimba, imi mukavarwira.

5Vakachema kwamuri, vakarwirwa;

Vakavimba nemi, vakasanyadziswa.

6Asi ini ndiri honye, handizi munhu;

Ndiri chinhu chinozvidzwa navanhu,

chinoshorwa navanhu vose.

7Vose, vanondiona vanondiseka;

Vanoshamisa muromo, vanodzungudza misoro, vachiti,

8“Chizviisai kuna Jehovha; iye ngaamurwire;

Ngamurwire, zvaanomufarira iye.”

9Asi ndimi makandibudisa pachizvaro;

Makandivimbisa nemi ndichiri pamazamu amai vangu.

10Ndakaiswa kwamuri kubva pachizvaro;

Imi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.

11Regai kuva kure neni; nokuti njodzi iri pedyo;

Nokuti hapana angabatsira.

12Hondo zhinji dzakandikomba;

Hondo dzine simba dzaBhashani dzakandipoteredza.

13Dzinondishamisira miromo yadzo,

Seshumba inoparadza ichiomba.

14Ndakadururwa semvura,

Mapfupa angu ose akasvodogoka;

Mwoyo wangu wakafanana nenamo;

Wakanyauka mukati mohura hwangu.

15Simba rangu rakaoma sechaenga;

Rurimi rwangu rwakanamatira pashana dzangu;

Makandiisa paguruva rorufu.

16Nokuti imbwa dzakandikomberedza;

Ungano yavanoita zvakaipa yakandipoteredza;

Vakaboora maoko angu namakumbo angu;

17Ndingaverenga mapfupa angu ose;

Vanonditarira nokundinanganidza;

18Vanogovana nguo dzangu pakati pavo,

Vanokanda mijenya pamusoro pehanzu yangu.

19Asi imi Jehovha, regai kuva kure neni;

Imi simba rangu, kurumidzai kundibatsira.

20Rwirai mweya wangu pamunondo;

Mudikanwa wangu pasimba rembwa.

21Ndiponesei pamuromo weshumba;

Zvirokwazvo, makandipindura ndiri

pakati penyanga dzenyati.

22Ndichadudzira zita renyu kuhama dzangu;

Ndichakurumbidzai pakati peungano.

23Imi munotya Jehovha, murumbidzei;

Imi mose vana vaJakobho, mukudzei;

Mumutyei, imi mose vana vaIsiraeri.

24Nokuti haana kuzvidza kana kusema

dambudziko raanotambudzwa;

Kana kumuvanzira chiso chake;

Asi panguva yaakachema kwaari akamunzwa.

25Kurumbidza kwangu paungano huru

kunobva kwamuri;

Ndicharipa mhiko dzangu pamberi pavanomutya.

26Vanyoro vachadya vakaguta;

Vanotsvaka Jehovha ndivo vachamurumbidza;

Mwoyo yenyu ngairarame nokusingaperi.

27Migumo yose yenyika icharangarira

nokudzokera kuna Jehovha;

Marudzi ose avahedheni achanamata kwamuri.

28Nokuti ushe ndohwaJehovha;

Ndiye mubati wavahedheni.

29Vakuru vose venyika vachadya nokunamata;

Vose vanoburukira kuguruva

vachapfugama pamberi pake,

Naiye asingagoni kuraramisa mweya wake.

30Vana vake vachanamata kwaari;

Rudzi runotevera ruchaudzwa zvaJehovha.

31Vachauya vachidudzira kururama kwake

Kuvanhu vachazozvarwa, kuti ndiye wakazviita.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help