Mapisarema 86 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anovimba nenyasha dzaJehovhaMunyengetero waDhavhidhi.

1Rerekai nzeve dzenyu, Jehovha, ndipindurei;

Nokuti ndiri murombo nomushaiwi.

2Chengetai mweya wangu;

nokuti ndiri mudikanwi wenyu;

Haiwa Mwari wangu,

ponesai muranda wenyu anovimba nemi.

3Ndinzwirei ngoni, Ishe;

Nokuti ndinodana kwamuri zuva rose.

4Fadzai mweya womuranda wenyu;

Nokuti ndinosimudzira mweya wangu

kwamuri Ishe wangu.

5Nokuti imi, Ishe makanaka,

munofarira kukanganwira,

Mune ngoni zhinji kuna vose vanodana kwamuri.

6Rerekerai nzeve yenyu,

Jehovha kumunyengetero wangu;

Teererai izwi rokukumbira kwangu.

7Pazuva rokutambudzika kwangu

ndichadana kwamuri,

Nokuti muchandipindura.

8Hapana akafanana nemi pakati

pavamwari, Ishe,

Uye hapana mabasa akafanana namabasa enyu.

9Ndudzi dzose dzamakaita

dzichauya kuzonamata pamberi penyu, Ishe,

Dzicharumbidza zita renyu.

10Nokuti imi muri mukuru, munoita

zvinhu zvinoshamisa;

Ndimi Mwari woga.

11Ndidzidzisei nzira yenyu, Jehovha,

ndichafamba muzvokwadi yenyu,

Batanidzai mwoyo wangu kuti

nditye zita renyu.

12Ndichakurumbidzai, Ishe Mwari wangu,

nomwoyo wangu wose,

Ndicharumbidza zita renyu nokusingaperi.

13Nokuti ngoni dzenyu ihuru kwandiri;

Makarwira mweya wangu pagomba rakadzika-dzika.

14Mwari, vanozvikudza vakandimukira,

Ungano yavanhu, vanomanikidza,

vakatsvaka mweya wangu,

Havana kukuisai pamberi pavo.

15Asi imi, Ishe muri Mwari une tsitsi nenyasha,

Hamukurumidzi kutsamwa,

mune ngoni zhinji nezvokwadi.

16Ringirai kwandiri, mundinzwire ngoni;

Ipai muranda wenyu simba renyu,

Muponese mwanakomana womurandakadzi wenyu.

17Ndiratidzei chiratidzo mundiitire zvakanaka;

Kuti vanondivenga vazvione, vanyadziswe;

Nokuti imi Jehovha, makandibatsira nokundinyaradza.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help