Mapisarema 55 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Dhavhidhi anochema pakutambudzika kwake kukuru, asi anovimba naJehovhaKumutungamiriri wokuimba; nemitengeranwa. Rwiyo rweMashiri rwaDhavhidhi.

1Rerekerai nzeve yenyu

kumunyengetero wangu, Mwari;

Regai kuzvivanza pakukumbira kwangu.

2Nditeererei, mundipindure;

Ndinoshaiwa zororo mukuchema kwangu, ndichiuura;

3Nokuda kwezwi romuvengi,

Nokuda kwokumanikidza kwoakaipa;

Nokuti vanondipomera zvakaipa,

Vanonditambudza nokutsamwa kwavo.

4Mwoyo wangu unorwadziwa kwazvo mukati mangu;

Garudzo rorufu rakandiwira,

5Kutya nokubvunda zvakandiwira.

Kutya kukuru kwakandifukidza.

6Ini ndakati, “Haiwa, dai ndaiva namapapiro senjiva!

Ndaibhururuka, ndikandozorora.

7Tarirai, ndingadai ndaitizira kure,

Ndaindogara kurenje.

8Ndaikurumidza kundovanda,

Nditize mhepo inovhuvhuta nedutu guru.”

9Paradzai, Ishe mukanganise marimi avo;

Nokuti ndakaona kumanikidza nokurwa muguta.

10Masikati nohusiku vanoripoteredza pamasvingo aro;

Zvakaipawo nezvakashata zviri mukati maro.

11Kushata kuri pakati paro;

Kumanikidza nokunyengera hazvibvi

panzira dzaro.

12Nokuti akanga asi muvengi akandishora;

Ipapo ndaigona kutsunga;

Akanga asi iye aindivenga akazvikudza kwandiri;

Ipapo ndaimuvanda.

13Asi wakanga uriwe, munhu wakaenzana neni,

Shamwari yangu, nomuzikani wangu.

14Taisirangana zvakanaka,

Taifamba mumba maMwari pamwechete

navanhu vazhinji.

15Rufu ngaruvawire kamwe-kamwe,

Ngavaburikire kuSheori vari vapenyu;

Nokuti kushata kuri paugaro hwavo,

imo mukati mavo.

16Kana ndirini, ndichadana kuna Mwari;

Jehovha achandiponesa.

17Madekwana namangwanani namasikati

ndichachema ndichiuura;

Iye achanzwa izwi rangu.

18Wakadzikinura mweya wangu norugare,

kukasava nomumwe akaswedera kwandiri;

Nokuti vakanga vachirwa neni, vaiva vazhinji.

19Mwari achanzwa, achavapindura,

Iye aripo kare nakare,

Nokuti havashanduki,

Havatyi Mwari.

20Wakatambanudzira maoko ake

kuna vaiva norugare naye;

Wakashora sungano yake.

21Mashoko omuromo wake akatedza samafuta,

Asi kurwa kwakanga kuri pamwoyo pake;

Mashoko ake akanga ari manyoro

kupfuura mafuta,

Kunyange zvakadaro yaiva minondo yakavhomorwa.

22Kandira mutoro wako pamusoro

paJehovha, iye achakusimbisa;

Haangatongotenderi akarurama

kuti azununguswe.

23Asi imi Mwari muchavaburusira

kugomba rokuparadzwa;

Vanhu vanokarira ropa

navanonyengera havangapedzi hafu yamazuva avo;

Asi ini ndichavimba nemi.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help