Jobho 22 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Erifazi anoraira Jobho kuti adzokere kuna Mwari, akanganwirwe zvivi zvake zvaakamukira Mwari nazvo

1Ipapo Erifazi muTemani akapindura, akati,

2“Ko munhu angabatsira Mwari here?

Zvirokwazvo, munhu, akangwara,

anozvibatsira hake amene.

3WaMasimbaose une hanya nokururama kwako here?

Iye angabatsirwa nazvo kana iwe

ukakwanisa nzira dzako here?

4Iye anokuraira zvaunomutya here?

Kuti akutonge here?

5Zvakaipa zvako hazvizakakura here?

Zvisina kururama zvako hazviperi.

6Nokuti wakatora rubatso kuhama yako pasina,

Wakakunungura nguo dzavakanga vasina kufuka.

7Hauna kupa vane nyota mvura kuti vanwe,

Wakanyima vane nzara zvokudya.

8Asi munhu ane simba, nyika ndeyake;

Munhu anokudzwa, ndiye akagara mairi.

9Akadzinga chirikadzi dzisine chinhu,

Maoko enherera akavhuniwa.

10Saka iwe wakapotedzwa nemisungo,

Unovhunduswa pakarepo nokutya.

11Nerima, kuti arege kuona,

Uye mvura zhinji inokufukidza.

12Ko Mwari haazi kudenga kumusoro-soro here?

Tarira kukwirirwa kwenyeredzi, dzakakwirira sei!

13Iwe unoti, ‘Mwari unoziveiko?

Ungagona kutonga pakati perima guru here?’

14Makore matema akamufukidza, haagoni kuona;

Unofamba pakutenderera kwedenga.

15Iwe unoda kuramba uchifamba nenzira yekare.

Yakatsikwa navanhu vakaipa here?

16Ivo vakabvutwa nguva yavo isati yasvika;

Nheyo dzavo dzakadururwa sorukova rwemvura.

17Ivo vakati kuna Mwari, ‘Ibvai kwatiri;

Uye, waMasimbaose angatiiteiko?’

18Kunyange zvakadaro wakazadza dzimba dzavo nezvakanaka;

Asi mano avakaipa ari kure neni.

19Vakarurama vanozviona, vakafara;

Vasine mhosva vanovaseka,

20Vachiti, ‘Zvirokwazvo vakatimukira vakaparadzwa;

Zvakasara zvavo zvakapedzwa nomoto.’

21Shamwaridzana naye zvino, uve norugare;

Ipapo uchaitirwa zvakanaka.

22Gamuchira hako murairo womuromo wake,

Uchengete mashoko ake mumwoyo mako.

23Kana ukadzokera kuno waMasimbaose, uchavakwa;

Kana ukabvisa zvisakarurama kure namatende ako.

24Isa pfuma yako paguruva,

Nendarama yeOfiri pakati pamabwe ehova;

25Ipapo waMasimbaose achava pfuma yako,

Nesirivha inokosha kwazvo kwauri.

26Nokuti ipapo uchafarira waMasimbaose,

Uchasimudzira chiso chako kuna Mwari.

27Uchanyengetera kwaari, iye achakunzwa;

Uye acharipa mhiko dzako.

28Uchatemawo chirevo, chikasimbiswa kwauri;

Uye chiedza chichavhenekera nzira dzako.

29Kana vakakusundira pasi, uchati, ‘Ndichasimudzwa;’

Iye uchaponesa munhu anozvininipisa.

30Iye acharwira nyangwe nomunhu ane mhaka,

Zvirokwazvo ucharwirwa iye nokuchena kwamaoko ako.”

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help