Mapisarema 44 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Vanhu vaMwari vanochema kwaari pakutambudzika kwavoKumutungamiriri wokuimba; Pisarema ravanakomana vaKora. Rwiyo rweMashiri.

1Mwari, takanzwa nenzeve dzedu,

madzibaba edu akatiudza,

Basa ramakabata pamisi yavo, napamisi yekare.

2Makadzinga vahedheni noruoko

rwenyu, mukavasima ivo;

Makatambudza ndudzi dzavanhu

mukavaparadzira ivo.

3Nokuti havana kuzviwanira nyika

nomunondo wavo,

Ruoko rwavo haruna kuvaponesa;

Asi chanza chenyu chorudyi, noruoko rwenyu,

nechiedza chechiso chenyu,

Nokuti maivafarira.

4Ndimi Mambo wangu, imi Mwari;

Rairai kuti Jakobho akunde.

5Nemi tichawisira pasi vadzivisi vedu;

Nezita renyu tichatsika pasi vanotimukira.

6Nokuti handingavimbi nouta hwangu,

Nomunondo wangu haungandiponesi.

7Asi imi makatiponesa pavadzivisi vedu,

Mukanyadzisa vanotivenga.

8Takazvirumbidza zuva rose munaMwari,

Tichavonga zita renyu nokusingaperi.

9Asi zvino makatirasha henyu, mukatinyadzisa;

Hamuchafambi nehondo dzedu.

10Munotitizisa pamberi pavadzivisi;

Vanotivenga vanozvipambira.

11Makatiisa samakwai akatarirwa kubayiwa;

Makatiparadzira pakati pavahedheni.

12Munotengesa vanhu venyu musina chamunopiwa,

Hamuna kuwedzera pfuma yenyu nomutengo wavo.

13Munotiita vanhu vanosekwa navatinogara navo,

Vanhu vanozvidzwa nokusekwa navakatikomberedza.

14Munotiita shumo pakati pavahedheni,

Vanhu vanotidzungudzira misoro.

15Zuva rose kuzvidzwa kwangu kuri pamberi pangu,

Kunyara kwechiso changu kwakandifukidza.

16Nokuda kwezwi romutuki nomuzvidzi;

Nokuda kwomuvengi nomutsivi.

17Izvi zvose zvakatiwira; kunyange

zvakadaro hatina kukukanganwai,

Hatina kunyengedzera pasungano yenyu.

18Mwoyo yedu haina kudzokera shure,

Kutsika kwedu hakuna kutsauka panzira yenyu;

19Kunyange makatipwanya-pwanya

panzvimbo yamakava,

Mukatifukidza nomumvuri worufu.

20Kana tichinge takanganwa zita raMwari wedu,

Kana kutambanudzira maoko edu

kumwari wavamwe;

21Ko Mwari haanganzveri izvozvo here?

Nokuti iye anoziva zvakavanzika zvomwoyo.

22Zvirokwazvo, nokuda kwenyu tinourawa zuva rose;

Tinonzi tiri makwai akatarirwa kubayiwa.

23Mukai, munovatireiko, Ishe?

Mukai, musatirasha nokusingaperi.

24Munovanzireiko chiso chenyu,

Muchikanganwa kutambudzika kwedu

nokumanikidzwa kwedu?

25Nokuti mweya wedu wakotamira kuguruva;

Dumbu redu rinonamatira pavhu.

26Simukai mutibatsire,

Mutidzikinure nokuda kwounyoro hwenyu.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help