Zvirevo 13 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

1Mwanakomana akachenjera

anoteerera

kuraira kwababa vake;

Asi mudadiri haanzwi kana achitukwa.

2Munhu achadya zvakanaka zvinobva

pazvibereko zvomuromo wake;

Asi vanoita nokunyengedzera vanofarira kumanikidza.

3Anorindira muromo wake,

anochengeta hupenyu hwake;

Asi anoshamisa miromo yake, achaparadzwa.

4Mweya wesimbe unopanga, asi unoshaiwa;

Asi mweya yavasina usimbe ichakodzwa.

5Akarurama anovenga nhema;

Asi akaipa, anonyangadza, achanyadziswa.

6Kururama kunochengeta akarurama pakufamba kwake;

Asi kuipa kunowisira mutadzi pasi.

7Mumwe ariko anozviti ndiri mupfumi,

kunyange asina chinhu;

Mumwe ariko unozviti ndiri murombo,

asi ane pfuma zhinji.

8Rudzikinuro rwoupenyu hwomunhu ipfuma yake;

Asi murombo haanzwi kutyisidzira.

9Chiedza chavakarurama chinopenya kwazvo;

asi mwenje wavakaipa uchadzimwa.

10Kuzvikudza kunongouyisa kukakavara;

Asi uchenjeri huri kuna vanotenda kurairirwa.

11Pfuma, yakawanikwa nokukurumidza, ichatapudzwa;

Asi anounganidza noruoko, zvichawedzerwa kwaari.

12Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo;

Asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu.

13Anozvidza Shoko, asungwa naro;

Asi anotya murayiro, achapiwa mubayiro.

14Kudzidzisa kwowakachenjera itsime roupenyu;

Kuti munhu apukunyuke pamisungo yorufu.

15Njere dzakanaka dzinouyisa kufarirwa navanhu;

Asi nzira yavatadzi ihukutu.

16Mumwe nomumwe, akangwara,

anoita nokuziva,

Asi benzi rinokusha upenzi hwarwo.

17Nhume yakaipa inowira munjodzi;

Asi munyai anotendwa anoporesa.

18Urombo nokunyadziswa ndiwo

mubayiro woanoramba kurairirwa;

Asi anoteerera kurairwa achakudzwa.

19Kana zvinodikanwa zvaitwa, zvinozipa pamweya;

Asi mapenzi anonyangadzwa kana

achisiyana nezvakashata.

20Fambidzana navakachenjera, ugova akachenjerawo;

Asi shamwari yamapenzi inoshatiswa.

21Zvakaipa zvichatevera vatadzi;

Asi vakarurama vacharipirwa nezvakanaka.

22Munhu, akanaka, achasiyira vana vavana vake nhaka;

Asi pfuma yomutadzi inochengeterwa akarurama.

23Munda womurombo ane zvokudya zvizhinji;

Asi mumwe ariko anoparadzwa nokuda kwokusarurama.

24Anorega shamhu anovenga mwanakomana wake;

Asi anomuda, anomuranga zvakanaka.

25Akarurama anodya kusvikira agutisa mweya wake;

Asi dumbu rowakaipa richashaiwa.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help