1 Makoronike 3 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Vana vaDhavhidhi

1Ava ndivo vanakomana vaDhavhidhi, vakamuberekerwa paHebhuroni: Wedangwe Amunoni, mwana waAhinoami muJezireeri; wechipiri Dhanieri waAbhigairi muKarimeri;

2wechitatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka, mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhonia mwanakomana waHagiti;

3weshanu Shefatia waAbhitari, wetanhatu Itireami kuna Egira mukadzi wake.

4Wakaberekerwa vatanhatu paHebhuroni; akabata hushepo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; akabata ushe paJerusaremu makore makumi matatu namatatu.

5Ava ndivo vaakaberekerwa paJerusaremu: Shimea, naShobhabhi, naNatani, naSoromoni, ivo vana, vaBhatishua mukunda waAmieri;

6naIbhari, naErishama, naErifereti;

7naNoga, naNefegi, naJafia;

8naErishama, naEriadha, naErifereti, ivo vapfumbamwe.

9Ndivo vose vaiva vana vaDhavhidhi, vanakomana vavarongo vasingaverengwi; uye Tamari wakanga ari hanzvadzi yavo.

10Mwanakomana waSoromoni akanga ari Rehobhoami, mwanakomana wake Abhia, mwanakomana wake Asa, mwanakomana wake Jehoshafati;

11mwanakomana wake Joramu, mwanakomana wake Ahazia, mwanakomana wake Joashi;

12mwanakomana wake Amazia, mwanakomana wake Azaria, mwanakomana wake Jotamu;

13mwanakomana wake Ahazi, mwanakomana wake Hezekia, mwanakomana wake Manase;

14mwanakomana wake Amoni, mwanakomana wake Josia.

15Vanakomana vaJosia: Wedangwe Johanani, wechipiri Jehoyakimu, wechitatu Zedhekia, wechina Sharumi.

16Vanakomana vaJehoyakimu: Mwanakomana wake Jekonia, mwanakomana wake Zedhekia.

17Vanakomana vaJekonia, vakatapwa: Shearitieri mwanakomana wake,

18naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.

19Vanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei; vanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHanania; uye Sheromiti akanga ari hanzvadzi yavo;

20naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, naJushabhiheshedhi, ivo vashanu.

21Vanakomana vaHanania: Peratia, naJeshaya; vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekania.

22Vanakomana vaShekania: Shemaya; navanakomana vaShemaya; Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, ivo vatanhatu.

23Vanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikami, ivo vatatu.

24Vanakomana vaErioenai: Hodhavia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohanani, naDheraya, naAnani, ivo vanomwe.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help