1 VaKorinde 13 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Kunaka kworudo

1Kunyange ndikataura nendimi dzavanhu nedzavatumwa, ndisina rudo, ndava sendarira dzinorira, nedare rinongoti, Ngwerengwere!

2Kunyange ndine chipo chokuporofita, ndichinzwisisa zvakavanzika zvose, nokuziva kwose; kunyange ndinokutenda kwose, kuti ndibvise makomo, ndisina rudo, handizi chinhu.

3Kunyange ndagovera varombo zvose zvandinazvo, kunyange ndikaisa muviri wangu kuti ndipiswe, ndisina rudo, handibatsiri chinhu.

4Rudo runomwoyo murefu, runomwoyo munyoro; rudo haruna godo; rudo haruna manyawi haruzvikudzi;

5haruiti zvisingafaniri, haruzvitsvakiri zvarwo; harutsamwi, haruna zvishura;

6harufariri zvisakarurama, asi runofarira chokwadi;

7runofukidza zvose, runotenda zvose, rune tariro pazvose, runotsungirira pazvose.

8Rudo harutongoperi; zvino kana kuri kuporofita, kuchabviswa; kana dziri ndimi, dzichaguma; kana kuri kuziva, kuchabviswa.

9Nokuti tinoziva zvisakakwana, tinoporofita zvisakakwana;

10asi kana zvakwana zvasvika, izvo zvisakakwana zvichabviswa.

11Ini ndichiri mwana, ndaitaura somwana, ndaifunga somwana, ndairangarira somwana; zvino zvandava murume, ndabvisa zvinhu zvomwana.

12Nokuti zvino tinoona pachioni-oni, tisingaoni kwazvo; asi nenguva iyo tichaona neziso zvakatarisana; zvino ndinoziva zvisakakwana, asi nenguva iyo ndichaziva sezvandakazikanwa neniwo.

13Zvino kutenda, netariro, norudo, zvitatu izvi, ndizvo zvinogara; asi chikuru pakati pazvo ndirwo rudo.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help