Mapisarema 96 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Nyika yose ngairumbidze Jehovha Mutongi mukuru

1Imbirai Jehovha rwiyo rutsva;

Imbirai Jehovha, pasi pose.

2Imbirai Jehovha, rumbidzai zita rake;

Paridzai kuponesa kwake zuva rimwe nerimwe.

3Dudzirai kubwinya kwake pakati pavahedheni,

Mabasa ake, anoshamisa pakati pendudzi dzose.

4Nokuti Jehovha mukuru,

anofanira kurumbidzwa kwazvo;

Anofanira kutyiwa kupfuura vamwari vose.

5Nokuti vamwari vose vendudzi

zvifananidzo hazvo;

Asi Jehovha akaita kudenga-denga.

6Kukudzwa noumambo zviri pamberi pake;

Simba nokunaka zviri panzvimbo yake tsvene.

7Ipai Jehovha, imi mhuri dzavanhu,

Ipai Jehovha kukudzwa nesimba.

8Ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake;

Uyai nechipiriso, mupinde muvazhe dzake.

9Namatai kuna Jehovha nenguva tsvene;

Pasi pose bvunda pamberi pake.

10Itiyi pakati pavahedheni,

“Jehovha ndiye anobata hushe;

Nyikawo yakasimbiswa, kuti irege kuzununguswa;

Iye achatonga vanhu zvakarurama.”

11Kudenga-denga ngakufare, kwazvo;

Gungwa ngaritinhire, nezvose zviri

mukati maro;

12Sango ngarive nomufaro,

nezvose zviri mukati maro;

Ipapo miti yose yedondo ichaimba nomufaro;

13Pamberi paJehovha, nokuti anouya;

Nokuti anouya kuzotonga pasi;

Achatonga nyika zvakarurama,

Nendudzi nokutendeka kwake.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help