Jobho 3 - Shona Bible 1949, revised 2002(SNA2002)

Jobho anotuka zuva rokuberekwa kwake

1Shure kwaizvozvo Jobho wakashamisa muromo wake, akatuka zuva rake.

2Jobho akapindura akati,

3“Zuva randakaberekwa naro ngarirove,

Nousiku uhwo hwavakati,

‘Mwana womukomana agamuchirwa.’ ”

4Zuva iro ngarive rima;

Mwari ari kumusoro ngaarege kurirangarira,

Nechiedza ngachirege kurivhenekera.

5Rima nomumvuri worufu ngazviritore rive razvo;

Gore ngarigare pamusoro paro;

Zvose zvinosvibisa zuva ngazvirivhunduse.

6Kana uri usiku uhwo, ngaubatwe nerima guru;

Ngaurege kufara pakati pamazuva egore;

Ngaurege kurahwa pakati pemwedzi.

7Usiku uhwo ngaurege kubereka;

Izwi romufaro ngarirege kupinda mauri.

8Vanotuka zuva iro ngavautukewo,

Ivo vanogona kumutsa shato huru.

9Nyeredzi dzamambakwedza ahwo ngadzisvibe;

Ngaumirire chiedza, asi huchishaiwe;

Ngaurege kuona fungiro dzameso amangwanani;

10Zvausina kupfiga mikova yemimba yamai vangu,

Kana kuvanza kutambudzika pameso angu.

11Ndakaregereiko kufa ndichiri mumimba?

Ndakaregerei kuparara ndichibuda mudumbu,

12Mabvi akandigamuchirireiko?

Kana mazamu, kuti ndimwe?

13Nokuti ndingadai zvino ndakatandavara, ndinyerere;

Ndingadai ndivete; ipapo ndingadai ndazorora;

14Pamwechete namadzimambo namakurukota enyika

Vakazvivakira matongo;

15Kana namachinda, aiva nendarama,

Akazadza dzimba dzawo nesirivha;

16Kana ndingadai ndisina kuvapo

somwana akaponiwa nguva isina kusvika;

Savacheche vasina kutongoona chiedza.

17Vakaipa vanorega kutambudza kwavo ipapo;

Vakaneta vanozorora ipapo.

18Vasungwa vano rugare pamwechete ipapo;

Havanzwi izwi romutariri.

19Vaduku navakuru varipo;

Uye muranda akasununguka panatenzi wake.

20Munhu ari panjodzi anopiyirweiko chiedza,

Noupenyu kuno ane shungu pamwoyo;

21Avo vanoshuva rufu, asi haruuyi;

Vanoruchera kupfuura pfuma yakavanzwa pasi;

22Vanopembera kwazvo,

Nokufara, kana vachiwana hwiro?

23Munhu, akadzimira nzira yake, anopiyirweiko upenyu,

Iye akadzivirirwa norumhanda naMwari?

24Nokuti ndinogomera ndisati ndadya,

Kuuura kwangu kunodururwa semvura.

25Nokuti chinhu chandaitya chandiwira,

Nechandinozeza chandivinga.

26Handina mufaro, kana kunyarara, kana kuzorora;

Asi njodzi inongosiuya.

Blog
About Us
Message
Site Map

Who We AreWhat We EelieveWhat We Do

Terms of UsePrivacy Notice

2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.

Home
Gospel
Question
Blog
Help