1Chirevo cheshoko raJehovha pamusoro penyika yeHadhiraki, uye paDhamasiko ndipo parichagara; nokuti ziso raJehovha rinotarira vanhu nendudzi dzose dzaIsiraeri;
2uye Hamatiwo, rakabatana navo; uye Tire neSidhoni, nokuti vakachenjera kwazvo.
3Tire rakazvivakira nhare, rikazviunganidzira sirivha seguruva, nendarama yakaisvonaka samatope ari munzira dzomumusha.
4Tarirai, Jehovha acharikunda, achawisira simba raro mugungwa; richapedzwa nomoto.
5Ashikeroni richazviona, ndokutya; uye Gazawo, rikarwadziwa zvikuru; uye Ekironi, nokuti richanyadziswa pane zvarakatarira; mambo achaparara paEkironi, Ashikeroni haringagarwi navanhu.
6“Mwanakomana woupombwe achagara paAshidhodhi, uye ndichaparadza kuzvikudza kwavaFirisitia.
7“Ndichabvisa ropa mumuromo make, nezvinonyangadza zvake zviri pakati pameno ake; iyewo achasarira Mwari wedu; achava somuchinda paJudha, uye Ekironi somuJebhusi.
8Ndichakomberedza imba yangu nemisasa ndidzivirire hondo, kurege kuva nomunhu anopfuura napo kana kudzoka napo; hakungazovi nomumanikidzi anofamba napo; nokuti zvino ndazviona nameso angu.”
Mambo weZioni noushe hwake hworugare9Fara kwazvo, iwe mukunda weZioni; pururudza iwe mukunda weJerusaremu; tarira, mambo wako anouya kwauri; ndiye akarurama, ndiye anokunda; anozvininipisa, akatasva mbongoro, iyo mhuru mwana wembongoro.
10“Ndichaparadza ngoro pakati paEfuremu, namabhiza paJerusaremu; uta hwokurwa huchaparadzwa; uchataurira ndudzi dzavanhu rugare; ushe hwake huchabva pagungwa kusvikira kumigumo yenyika.”
11“Kana uriwewo, nokuda kweropa resungano yako, ndakasunungura vasungwa vako mugomba risine mvura.
12“Dzokerai kunhare imi vasungwa vanetariro; ikonhasi ndinokuudzai kuti ndichakupai migove miviri.
13Nokuti ndakazvikungira Judha souta, ndikaisamo Efuremu semiseve; ndichamutsa vanakomana vako, iwe Zioni, varwe navanakomana vako, iwe Girisi; ndichakuita somunondo wemhare.”
14Jehovha achaonekwa pamusoro pavo, museve wake uchabuda semheni; Ishe Jehovha acharidza hwamanda, achafamba nezvamupupuri zvinobva zasi.
15Jehovha wehondo achavadzitira; vachaparadza, vachatsika pasi mabwe echipfuramabwe; vachanwa, vachiita ruzha savanhu vakabatwa newaini; vachazadzwa sembiya, samakona earitari.
16Jehovha Mwari wavo achavaponesa nezuva iro seboka ravanhu vake; nokuti vachafanana namabwe ekorona, anovaima kumusoro kwenyika yake.
17Nokuti kufara kwavo kuchava kukuru sei, nokunaka kwavo kuchava kukuru sei! Zviyo zvichakurisa majaya, waini itsva ichakurisa mhandara.
Who We AreWhat We EelieveWhat We Do
2025 by iamachristian.org,Inc All rights reserved.